Accessibility links

Breaking News

Interpol Yokurudzirwa Kusunga Muzvinafundo Jonathan Moyo


Muzvinafundo Jonathan Moyo
Muzvinafundo Jonathan Moyo

Hurumende inoti yazivisa mapurisa eInterpol kuti asunge vaimbova gurukota redzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo kuti vagozotongwa nemhosva yavari kupomerwa yelushandisa mari yehurumende zvisirizvo.

Izvi zvabuda pakunzwikwa kwenyaya iyi mudare nhasi apo muchuchisi wehurumende VaClemence Chimbari vaudza mutongi wedare repamusoro VaTawanda Chitapi kuti hurumende haina kukwanisa kupa VaMoyo mapepa ekuvapomera mhosva kuti vamiswe mudare panyaya iyi.

VaChimbari vaudza dare kuti mumwe wevasungwa panyaya iyi, VaFredrick Mandizvidza, avo vanove chief executive officer weZimdef havasisiri musungwa panyaya iyi vachiti hurumende yaona zvakakodzera kuti vaite mufakazi achazenge achiroverera VaMoyo.

Izvi zvatsinhirwa negweta raVaMandizvidza, VaWilson Manase. VaManase vatiwo VaMoyo vachazomiswa mudare vari vega sezvo vasiri kuwanikwa zvichitevera chikumbiro chaitwa nehurumende kuti vamwe vasungwa vanosanganisira VaGodfrey Gandawa vaive mutevedzeri waVaMoyo bapatsanurwe pakutongwa kwemhosva iyi.

VaMoyo vari kupomerwa mhosva yekunzi vakashandisa mari yehurumende inoita zviuru mazana mana zvemadhora zvisirizvo yaive muhomwe yehurumende yaiva pasi pebazi ravaitungamirira yeZimdef.

Vachiri muhurumende, VaMoyo vakati vakatora mari iyi vakatenga mabhasikoro avakapa vagari vekuTsholotsho vakazvinanidza naRobim Wood kutora kwavaita mari iyi vachinopa vanotambura.

VaMoyo havasi kuzivikanwa kuti varipi zvichitevera kutiza kwavakaita munyika pakabviswa vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro nemauto gore rapera.

Nyaya iyi ichadzoka kudare nemusi weChina. Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, mufundisi wesvondo yeRemnant Pentecostal Church, VaPatrick Mugadza vanzi nedare havana mhosva zvichitevera kutongwa kwavanga vachiitwa vachipomerwa mhosva yekuita musarinya muna 2016.

VaMugadza vakasungwa mushure mekuratidzira vakazvisungirira pasimbi dzepanze pedare repatamende vachiti vakange vasiri kufara nehutongo hwaVaMugabe.

Mutongi wedare ramekasitiriti, VaBlessing Murwisi vanoti hurumende yakatadza kuunza vafakazi vakazvimirira kuti vazopa huchapupu heakasvitswa kudare nemapurisa matatu aive vafakazi vehurumende panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG