MDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa inoti yave nenhengo dzichamirira MDC Alliance musarudzo munzvimbo dzakawanda, kunyange hazvo pachine dzimwe nzvimbo dzisati dzapedza sarudzo dzema primary, uko kuri kubva zvichemo.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravowe Morgan Tsvangirai House muHarare nhasi, vakafanobata chigaro chasachigaro weMDC-T, VaMorgan Komichi, vati bato ravo rasarudza nhengo dzichamirira MDC Alliance musarudzo dzeparamende munzvimbo dzakawanda munyika.
Kunyange hazvo kune dzimwe nzvimbo kuchine vari kugunu’una kuti sarudzo dzema primary hadzina kufamba zvakanaka, VaKomichi vati bato ravo riri kugadzirisa zvichemo izvi.
VaKomichi vakurudzirawo vakakundwa kune dzimwe nzvimbo kuti vanozama raki kune dzimwe nzvimbo dzisati dzapedza kuita sarudzo dzema primary, zvikuru sei kumaruwa, dzanga dzagara dzichizivikanwa kuti inzvimbo dzine vanga vachitsigira Zanu PF sezvo vamwe vevakakundwa musarudzo dzema primary idzi vari vanhu vane mazita makuru mumusangano.
Pataenda pamhepo, mapato ari mumubatanidzwa weMDC Allaince anga ari mumusangano achizeya kuti ogovana sei zvigaro zvenzvimbo dzaachakwikwidza musarudzo dzeparamende.
Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vati zvakakosha kuti bato reMDC-T rinotungamirirwa naVaChamisa riite hurongwa kwekubatanidza vanhu vakahwinha nevakakundwa zvichitevera sarudzo dzema primary, idzo dzaiva nenyonganyonga dzakasiya dzaita kuti zvinhu mumusangano uyu zviite bururasike sengoma yezvinyawu.
Mune dzimwe nzvimbo dzakaita seHatfiled, Glen View South neEpworth, sarudzo dzema primary dzakatarisirwa kuitwa neMugovera svondo rino.
Mune imwewo nyaya ine chekuita nesarudzo, VaKomichi vati bato ravo harisi kufara kuti harina kupihwa gwaro revavhoti ranga richishandiswa nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission pachirongwa chekutarisa kuti mazita everuzhinji arimo here mugwaro revavhoti,kana kuti provisional voter’s roll, icho chapera neChipiri. Vati sebato vakakumbira gwaro iri kuZEC asi hapana chakabuda.
VaKomichi vati komisheni yeZEC ichine zvakawanda zvainofanira kugadzirisa sarudzo dzegore rino dzisati dzaitwa.
Mutauriri weZEC, VaJustin Manyau vati titaure nasachigaro wekomisheni yavo, Amai Priscilla Chigumba, kuti tinzwe pamire komisheni yavo panyaya iyi, asi Amai Chigumba vanga vachinzi vakabatikana.
Asi mazuva apfuura, Amai Chigumba vakati nyaya dzekutengwa kwemapepa ekuvhotesa hadzisi nyaya dziri mumawoko emapato ezvematongerwo enyika.
Facebook Forum