Accessibility links

Breaking News

Manifesito yeMDC Alliance Yovimbisa Mabasa neHupfumi Hwakanaka Kana Yotonga


VaNelson Chamisa

MDC Alliance yaparura gwaro raichatevedza pakuvandudza hupfumi hwenyika pamwe nehupenyu hweveruzhinji kana VaNelson Chamisa vakasarudzwakutungamira nyika musarudzo dzemwedzi unouya.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri iro ravari kudaidza kuti Sustainable and Modernisation Agenda for Real Transformation, kana kuti SMART, VaChamisa vati veruzhinji vacharohwa nembovha yemufaro munyika kana veruzhinji vakavavhotera kuve mutungamiri wenyika musarudzo dzegore rino.

VaChamisa vatiwo gwaro ravo reSMART rine mhinduro dzose dzinodikanwa mukugadzirisa hupfumi hwenyika pamwe nekudyidzana nedzimwe nyika vakati kana vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika, hurumende yavo ichatsvaga hushamwari nenyika dzakabudirira uye vachaita zvose zvinodiwa kuti hupfumi hwenyika husimukire zvavati zvinozobatsira mukusimudzirwa kwehupenyu hweveruzhinji munyika.

Vachitaurawo pakuparurwa kwegwaro iri, vaimbova gurukota rezvemari uye vari mumwe wevatungamiri veMDC Alliance, VaTendai Biti, vati kana vakasarudzwa kuti vatungamirire nyika seMDC Alliance vachaita kuti vakatora minda vapihwe magwaro anoratidza kuti ndivo varidzi veminda, kana kuti ma title deeds, pamwe nekuripa vakatorerwa minda vachiti hapafanire kuve nerusaruraganda panyaya yekuti anowana munda munyika ndiyani.

Vatiwo vachatsvaga kuti Zimbabwe ikanzurirwe zvikwereti zvayo kumasangano ekunze anokweretesa mari akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank.

VaChamisa vatiwo kana vakapinda panyanga mwedzi unouya vachave nemakurukota ehurumende asingadarike gumi nemashanu vachiti zvakakokosha kugadzirisa migwagwa iri munyika, kuwanisa veruzhinji mabasa pamwe nekurwisana nehuori.

Zvimwe zviri mugwaro raparurwa neMDC Alliance iri zvinobatawo nyaya dzekutevedzwa kwemutemo munyika, hutungamiri hwakatswasuka, kuwanisa madzimai pamwe neveruzhinji mikana yakaenzana uye kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi, vati gwaro raparurwa neMDC Alliance nhasi riri kutaura neveruzhinji pamatambudziko avakatarisana nawo munyika pari zvino.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaRejoice Ngwenya, vati vanoona sekuti pane kakusawirirana pane zviri kutaurwa naVaChamisa naVaBiti sezvo VaBiti vachiti Zimbabwe inyika ine varombo vakawanda asi nekune rumwe rutivi VaChamisa vachiti Zimbabwe ine hupfumi hwakawanda asi chanetsa hutongi hweZanu PF hwavanoti hwakaondomora zvinhu zvakawanda munyika.

Kuparurwa kwegwaro iri kwaitwa panguva iyo veZBC vanga vachibuditsa pachivhitivhiti zvose zvanga zvichiitika panguva iyoyo.

MDC Alliance inowanzonyunyuta neZBC iyo yainoti inoda kupakurira veruzhinji zvinoitika kuZanu PF chete.

Mutungamiri weMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe, VaThabani Moyo, vanoti ZBC inofanira kugara ichiita zvakadai nguva dzose vachitiwo mutemo unoona nezvesarudzo unosungira ZBC nemamwe makambani enhau kuti apakurire veruzhinji zvinenge zvichiitwa nemapato ose kwete kuburitsa nhau dzakarerekera kudivi rimwe chete

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG