Accessibility links

Breaking News

Mishonga yeVacheche Yoshaikwa muZvipatara


Mishonga yekurapisa vana vadiki kuti vasabatwe nezvirwere zvinobata vacheche inonzi yave kunetsa kuwana muzvipatara zvehurumende zvave kupa kuti vane vacheche vashaye zvokuita nevana vavo.

Vabereki vane vana vacheche vanoti vari kushushikana zvikuru nekushaikwa kwemishonga muzvipatara inoshandiswa mukudzivirira zvirwere zvinobata vana vacheche zvakaita semabayo, manyoka, mhetamakumbo, chikosoro negwirikiwiti.

Mumwe mugari wekuBudiriro, Amai Macia Ndambakuwa vanoti vave nemazuva vachienda kuchipatara kuti vanobayisa mwana wavo uyo asvitsa masvondo gumi.

Amai Ndambakuwa vanoti mishonga iri kushaikwa inosanganisira pentavalent, pneumococal pamwe ne rotavirus uye mushonga weOral Polio Vaccine wekudzivirira chirwere chemhetamakumbo.

Amai Ndambakuwa vanoti vanzwa nekutendera muzvipatara asi vachisvika vachiwana dzamira nemhuru.

Tsvangiridzo yakaitwa neStudio 7 yakaburitsa pachena kuti zvimwe zvipatara zvinenge zvine imwe yemishonga iyi asi inenge isina kukwana yose zvirikukonzera kuti vana vadzoserwe kudzimba vasina kubayiwa sezvo vana chiremba vachiti mishonga iyi inofanira kubayiwa panguva imwe chete.

Mumwe mugari wekuAvonlea, Amai Sonia Mapeture vanoti vave kutyira kuti vana vavo vachazobatira zvimwe zvirwere sezvo vasina kubayiwa mishonga inodzivirira kubatira zvirwere izvi.

Zvichakadai, gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa vanoti nyika ine mishonga yakakwana asi dambudziko ringangove pakutakurwa kwemishonga iyi kuenda kuzvipatara nekumakirinika paine nguva.

Mishonga yekudzivira kuti vana vasabatwe nezvirwere inopihwa pachena nehurumende.

Hatina kukwanisa kutaura nevakuru vekambani yehurumende inoona nezvekuchengetwa kwemishonga yeNatpharm kuti tinzwe kuti chii chaizvo chiri kunyanyonetsa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG