Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Vakavhoterwa Vanogadzirisa Hupfumi hweNyika


Chamisa

Mutungamiri werimwe bandiko reMDCT VaNelson Chamisa avo vari kutungamira mubatanidzwa weMDC-Alliance vanoti ruzhinji rweZimbabwe rwuri kubhadhariswa mutero wakawandisa.

VaChamisa vakatura mashoko aya kuMahusekwa, kuMashonaland East pavainge vachiita musangano nevatsigiri vavo nemusi weSvondo. Vakatiwo vagadzirira kuti sarudzo dzegore rino dzisabirirwe.

VaChamisa vatiwo hupenyu hweve ruzhinji hunenge hwanaka muna 2023 kana vakapihwa mukana wekutungamirira nyika.

Vaenderera mberi vakati nyika ine hupfumi hwakawanda asi chanetsa inyaya yehuori hwavati hunotanga kuhutungamiri sezvo hove ichitangira kuora kubva kumusoro.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwe pavamire pamashoko aVaChamisa aya sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG