Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vanobvisiswa Mari yeChibatiso Kuitira Kuti Vatongwe Vachibva Kumba


FILE - Zimbabwe's Minister of Youth Development, Indigenization and Empowerment Saviour Kasukuwere speaks during the Reuters Africa Investment Summit in Sandton, April 16, 2012.
FILE - Zimbabwe's Minister of Youth Development, Indigenization and Empowerment Saviour Kasukuwere speaks during the Reuters Africa Investment Summit in Sandton, April 16, 2012.

Vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vamiswa pamberi pedare ramejasitiri muHarare uko kwavapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso madhora mazana matatu pamhosva yavari kupomerwa yekubuda munyika zvisiri pamutemo.

VaKasukuwere vakabuda munyika pamwe nevaimbove gurukota rezvedzidzo yepamusoro, VaJonathan Moyo, pamwe negurukota rezvevechidiki, VaPatrick Zhuwawu panguva yakapindira masoja mune zvematongerwo enyika zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa.

VaKasukuwere vakadzoka munyika svondo rapera mushure mekugara kunze kwenyika kubva muna Mbudzi gore rapera, asi vamwe vavo VaMoyo naVaZhuwawu vachiri kunze kwenyika.

VaMakomborero Haruzivishe, avo vaimbova mumwe wevatungamiri wesangano rinomiria vadzidzi reZinasu, vaudza Studio7 kuti hurumende yaVaMnangagwa iri kushandisa mutemo zvetsvete.

VaHaruzivishe vanoti VaMnangwagwa pachavo munhu anofanirawo kumiswa pamberi pedare sezvo vakabuda pachena voga kuti vakabuda munyika zvisiri pamutemo pavakadzingwa basa naVaMugabe gore rapera.

VaKasukuwere, avo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa, vakatarisirwa kudzoka kudare musi wa11 Chikumi apo pachatanga kutongwa kwemhosva yavari kupomerwa iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG