Vadzidzisi vekumaruwa vanoti kunyoresa vana ve O’Level bvunzo dzema practical ezvidzidzo zvesainzi kuchanetsa sezvo zvikoro zvekumaruwa zvizhinji zvisina midziyo kana zvikwanisiro zvekuti bvunzo idzi dzinyorwe.
Izvi zvinotevera kutanga kushandiswa kwakaitwa hurongwa hutsva hwedzidzo uhwo huri kudaidzwa kuti new curriculum gore rino.
Vamwe vadzidzisi vekumaruwa ekwaChihota vanoti kunyoresa vana bvunzo dzesainzi dzema practical pasi pehurongwa hutsva hwedzidzo kana kuti new curriculum kuchanetsa sezvo vasina zvinodiwa zvakakwana pakudzidziswa kwezvidzidzo zvesainzi.
Mumwe mudzidzidzisi wepane chimwe chikoro chemunharaunda ino yekwaChihota, VaLiberty Mutongwizo, vanoti kuti vana vechikoro vazonyora bvunzo panotoda gadziriro yakakwana asi vanoti gadziriro iyi haisi kufamba zvakanaka muzvidzidzo zvesainzi sezvo pasina kana chavainacho chekushandisa muzvidzidzo izvi kunze kwemabhuku chete.
Mumwe mwana wepachikoro apa uyo watisingakwanisi kudoma zita rake pamhepo nekuti achiri pasi pemakore atinobvumirwa kuti titaure pamhepo anoti kunyora bvunzo dzema practical esainzi kuchavanetsa kana zvikwanisiro izvi zvikazounzwa nehurumende munguva yekunyora bvunzo. Mwana uyu anoti zvave pachena kuti vana vazhinji vekumaruwa vachafoira bvunzo dzezvidzidzo zve sainzi sezvo kwasara mwedzi mishomanana kuti bvunzo idzi dzinyorwe muna Gumiguru asi pasina chavati vadzidza.
Mutungamiri wesangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union, VaObert Masaraure, vanoti ongororo yakaitwa nesangano ravo yakaburitsa kuti vadzidzisi vazhinji havana ruzivo rwezvavari kunzi vadzidzise vana.
VaMasaraure vanoti zvakakosha kuti hurumende imbomisa kunyorwa kwebvunzo dzema practical esainzi.
Vashandi vebazi rinoona nezvebvunzo reZimbabwe Schools Examinations Council kana kuti Zimsec, vakaramba kutaura nezvenyaya iyi vakati tibvunze hurumende.
Asi mumwe mubereki, Amai Alice Kasinamunda, vanoti chinorwadza ndechekuti veZimsec vanenge vachingoda mari yavo kuti mwana wavo anyore bvunzo ivo vachiziva havo kuti hurumende haina kugadzirira zvakakwana zvakafanana nekukanda mbeu paruware uchitarisira kukohwa pakuru.
Zvichakadai, gurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavima, vakaudza Studio 7 parunharare kuti havasi kuzodzokera kumashure ne new curriculum iyo yakatanga kushandiswa muzvikoro gore rino vachiti hurongwa hwehurumende ndewekuti dzidzo yemuZimbabwe isimukire kuti iyenzane neyekune dzimwe nyika.
Patakavabvunza nezvekushayikwa kwezvikwanisiro zvekuti bvunzo dzema practicals esainzi dzinyorwe zvikurusei kumaruwa, VaMavhima vakati bazi ravo riri kushanda zvakasimba kuti zvikwanisiro izvi zvinge zviri muzvikoro zvose munyika.
Kana hurumende ikaramba yakaisa zvimiti munzeve panyaya iyi, vana vakawanda vanogona kutadza kubudirira muzvidzidzo zvesainzi gore rino zvinozoita kuti vatadze kupfuurira mberi nezvimwe zvidzidzo zvavanenge vachida kuita muhupenyu.
Facebook Forum