Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoratidzira Ichiti Hurumende neZEC Ngadzigadzirise Zvinhu Sarudzo Dzisati Dzaitwa


MDC ALLIANCE, Harare.
MDC ALLIANCE, Harare.

Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa zvaratidzira muHarare neChipiri ndokusvitsa magwaro enyunyuto akanangana nemafambisirwo esarudzo kuZimbabwe Electoral Commission pamwe nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mhomho yevanhu ava yaungana paAfrica Unity Square muHarare ndokufora vakananga kumahofisi eZimbabwe Electoral Commission, ZEC, vachiimba nekuridza pembe mumigwagwa vakatungamirirwa naVaChamisa nevamwe vatungamiri veMDC Alliance vanga vachisanganisira VaTendai Biti, VaJacob Ngarivhume, VaAgrippa Mutambara pamwe naVaMathias Guchutu.

Mushure mekusiya gwaro renyunyuto kuZEC, varatidziri ava vafora zvakare vakananga kumahofisi aVaMnangagwa, pavapfuura vachisiya gwaro renyunyuto kunyange hazvo mumahofisi aVaMnangagwa mangopindwa nevanhu vashomanana sezvo mutungamiri wenyika anga aine misangano ukuwo mapurisa achiudza vanhu kuti vasamire pamahofisi aya.

Vadzokera pavatangira kufora vapedza kusiya magwaro enyunyuto aya kuZEC nekuhofisi kwaVaMnangagwa, VaChamisa vaudza vatsigiri vavo kuti sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru hadzisi kuzoenderera mberi kudzamara hurumende pamwe neZEC vabvuma kugadzirisa zvavari kuda kuti zvigadzirwe sarudzo dzisati dzaitwa.

VaChamisa vati chavari kuchema nacho zvakanyanya inyaya yekudhinda mapepa ekuvhotesa muchivande kwavanoti kuri kuitwa neZEC.

Nekune rumwe rutivi, sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, vanoti nyaya yekudhindwa kwemapepa ekuvhotesa haisi nyaya ine chekuita nezvemapato ezvematongerwo enyika.

VaChamisa vatiwo vachakwidza nyaya yenhuna dzavo kusangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica, reSADC pamwe neAfrican Union kana kuti AU mumazuva mashoma ari kutevera.

Vati kuratidzira kwakadai kuchaparira nenyika yose mumazuva mashoma ari kutevera vachiti kana VaMnangagwa neZEC vakaramba vakaoma musoro hapana sarudzo dzichaitwa zvachose.

Amai Chigumba vaudza Studio 7 kuti gwaro renyunyuto reMDC Alliance rasvika kumahofisi kwavo vakati vachazotaura zvakawanda nezvegwaro iri kana varipenengura.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutauriri weNational Patriotic Front kana kuti NPF, VaJealous Mawarire, vatiwo veruzhinji vanofanira kuvhotera VaChamisa pachigaro chemutungamiri wenyika vachiti hurumende iripo pari zvino ihurumende isina rutsigiro rweveruzhinji uye yakabvuta masimba.

VaMawarire vanga vachifambawo nevamwe vakuru-vakuru veNPF vanga vachisanganisira VaShadreck Mashayamombe naVaJim Kunaka.

Vachitaurawo pachiitiko cheMDC kekutanga, VaMunyaradzi Shoko, avo vaiva nhengo yeZanu PF uye vari mutungamiri wesangano revana vevaimbova varwiri verusunguko reChildren of War Veterans Association, kana kuti COZWA, vati chiitiko ichi chinoratidza kuti vanhu havafanire kumbunyikidzwa uye VaMnangagwa havafanire kupihwa mukana wekutungamira nyika musarudzo dzichaitwa mwedzi unouya.

VaChamisa vatenda mapurisa nekusavhiringidza kuratidzira kwaitwa nhasi vachiti ndizvo zvinofanira kugara zvichiitika. Asi vashora mauto ari kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika ayo anonzi akaendeswa kumaruwa uko kwavanoti ari kutyisidzira vagari vekumaruwa.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe mafungiro aVaMnangagwa pamusoro pekuratidzira kwaitwa neMDC Alliance sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Nekune rumwe rutivi, vatsigiri veZanu PF vakatarisirwawo kuratidzira muHarare mangwana vachiti kuratidzira kwavo kwakanangana nekusimbaradza VaMnangagwa pamwe nekutsigira zviri kutaurwa nemutungamiri wenyika kuti munyika munofanirwa kuitwa sarudzo dziri pachena uye murunyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG