Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoshushikana neMaitiro aVaMnangagwa


Tendai Biti

MDC Alliance inoti haisi kufara kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatara zuva resarudzo pasina kugadziriswa zvose zvinodiwa kuti paitwe sarudzo dziri pachena.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda weMDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa, mumwe wevatungamiri veMDC Alliance, VaTendai Biti, vati mubatanidzwa wavo hausi kufara kuti VaMnangagwa vakatara musi wa30 Chikunguru sezuva resarudzo pasina kugadziriswa zvose zvinodiwa kuti sarudzo dziri pachena dziitwe munyika.

VaBiti vatiwo vari kuda kuti veruzhinji vapihwe mukana wekunotarisa gwaro revavhoti zvakare zvichitevera kunyoresa kwakaita vamwe vanhu sevavhoti veruzhinji pavaitarisa kuti mazita avo avo arimo here mugwaro revavhoti. VaBiti vati vanhu vakachinja nzvimbo dzekuvhotera paitariswa gwaro revavhoti mazita avo arimo here mugwaro revavhoti.

VaBiti vati kusagadzirira zvakakwana kwekomisheni inoona nezvesarudzo panyaya yegwaro revavhoti iro risati rabuda kwave kuvapa dambudziko rekunyoresa mazita evachakwikwidza musarudzo dzegore rino kudare rinotora mazita evanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo dzegore rino.

Vaenderera mberi vachiti vacharatidzira nemusi weChipiri muHarare vachinosvika kumahofisi eZEC pamwe nemahofisi emutungamiri vachiratidza kunyunyuta kwavo.

Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba kuti tinzwe pavamire panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi mumwe komishina weZEC, VaQubani Moyo, vaudza Studio 7 kuti komisheni yavo ichagara pasi yotarisa nhuna dzeMDC Allianc idzi vachiti komisheni yavo yakazvipira kuita sarudzo dzinogutsa mapato ose achakwikwidza musarudzo dzegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mune imwewo nyaya, vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vamiswa pamberi pedare ramejasitiri muHarare uko kwavapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso madhora mazana matatu pamhosva yavari kupomerwa yekubuda munyika zvisiri pamutemo panguva yakapindira masoja mune zvematongerwo enyika zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa.

Zvichakadai, VaMakomborero Haruzivishe, avo vaimbova mumwe wevatungamiri wesangano rinomiria vadzidzi reZinasu, vaudza Studio 7 kuti hurumende yaVaMnangagwa iri kushandisa mutemo zvetsvete.

VaHaruzivishe vanoti VaMnangwagwa pachavo munhu anofanirawo kumiswa pamberi pedare sezvo vakabuda pachena voga kuti vakabuda munyika zvisiri pamutemo pavakadzingwa basa naVaMugabe.

Zvichakadai, VaKasukuwere, avo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa, vakatarisirwa kudzoka kudare musi wa11 Chikumi apo pachatanga kutongwa kwemhosva yavari kupomerwa iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG