Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Gwara reSarudzo


Amai Priscilla Chigumba
Amai Priscilla Chigumba

Nyika yakatarisana nesarudzo gore rino uye mapato mazhinji ari kuita gadziriro dzekukwikwidza musarudzo idzi.

Mapato mazhinji ari kugadzirira sarudzo ave pachinhanho chekutsvaga vachakwikwidza vakamirira mapato akasiyana-siyana musarudzo dzemakanzuru, dare reparamende pamwe neseneti uye sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika.

Mugari wemuHarare, VaKeith Charumbira, avo vanoti vari kuda kukwikwidza kuve kanzura mukanzuru yeHarare, vanoti munhu kuti ave kanzura anofanira kuve ari mugari wemunharaunda yaanenge achida kumiririra.

Makanzuru anosarudzwa achimirira ma wadhi ose anenge ari pakanzuru imwe neimwe kumadhorobha pamwe nekumaruwa.

Murongi wemisangano muMDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaAmos Chibaya, vanoti bato ravo ragadzirira zvakakwana kuti vaise nhengo dzebato ravo dzichakwikwidza musarudzo dzemakanzuru, matare eparamende pamwe nesarudzo dzemutungamiri wenyika.

Munyika mune mawadhi chiuru nemazana mapfumbamwe ane makumi mashanu nesere (1958) achada vamiriri pasarudzo dzekanzuru kozoti mhengo dzeparamende mazana maviri ane gumi (210).

Imwe nhengo yeparamende, Muzvare Dorcas Sibanda, vanoti nekuda kwekuti madzimai ari mune zvematongerwo enyika mashoma ane zvigaro, mapato ezvematongerwo enyika akatora danho rekuti madzimai apihwewo zvigaro muparamende pasi peiri kudaidzwa kuti proportional representation.

Mupurovhinzi yega yega munosungirwa kuva nenhengo dzeparamende dze proportional representation dzisingakwikwidzane maererano nemapato asi dzinopinda muparamende maererano nekuti bato rine mavhoti akawanda munzvimbo dzaanomirira nderipi.

Gweta remuHarare, VaMarufu Mandevere, vanotiwo pasarudzo dzemutungamiri wenyika, mapato ose anenge achida kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika anofanira kuunza zita remunhu mumwechete anokwikwidza akamirirawo mapato aya.

Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzezvematonerwo enyika uye vakarerekera kudivi rebato riri kutonga reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti panoitwa sarudzo dzechipiri kana vanenge vachikwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vakatadza kuwana mavhoti akatarwa pamurawu.

Mavhoti aya anofanira kusvika zvikamu makumi mashanu nerimwe kana kuti 50 plus 1 percent. Sarudzo dzechipiri dzakanzi nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa dzinoitwa musi wa 08 Gunyana.

Musarudzo dzekanzuru, paramende pamwe nedzemutungamiri, mutemo uripo unobvumidzawo vasina mapato avakamirira kuti vakwikwidze musarudzo idzi.

Zvichakadai, sachigaro wekomisheni anoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, vanoti komisheni yavo iri kuita zvose zvinodikanwa kuitira kuti sarudzo dzegore rino dzive sarudzo dziri pachena.

Mutungamiri wenyika sezvinodiwa pamutemo akatozivisa kuti sarudzo idzi dzichaitwa musi wa30 Chikunguru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG