Mumwe wevatungamiri veMDC Alliance, VaTendai Biti, vanoti bato reZanu PF rinofanira kuendeswa kumatare richipomerwa mhosva yekuuraya hupfumi hwenyika zvavanoti zvaita kuti veruzhinji vatambudzike kwemakore akawanda.
Vachitaura nevatsigiri vavo pamusangano weMDC Alliance wakaitwa kuMahusekwa nemusi weSvondo, VaBiti vakati veruzhinji vari kunhonga svosve nemuromo kuburikidza nekutadza kutonga kwavanoti kuri kuitwa nebato riri kutonga reZanu PF.
VaBiti vakati Zanu PF inofanira kuendeswa kumatare edzimhosva vachiti kuoma kwaita hupenyu hweveruzhinji kubudikidza nehutongo hweZanu PF imhosva yakakura kwazvo inofanira kuyedzwa mumatare edzimhosva.
Vakaenderera mberi vachiti vari kutogadzirira kuti kana vachinge vakunda musarudzo dzegore rino seMDC Allaince iri kutungamirwa naVaNelson Chamisa vachatosunga dzisimbe kuti vagadzirise hupfumi vachiti vatove nevekunze vavakataura navo kuti vazosima mari yavo munyika.
Vakasvora zvikuru mamiriro akaita mugwagwa unobva muna Masvingo Road uchienda kuMahusekwa uyo wave nemakoronga vachiti izvi ndezvimwe zvinoratidza kutadza kutungamira kuri kuitwa neZanu PF.
Asi vaimbova mutungamiri wesangano rinomirira vadzidzi reZimbabwe National Students Union, VaTafadzwa Mugwadi, avo vave nhengo yebato reZanu PF, vanoti zviri kutaurwa naVaBiti ndezvemugotsi matsuro. VaMugwadi vanoti zviri pachena kuti ivo VaBiti nevamwe vavo vari muMDC ndivo vakakonzera kuti zvinhu zviome munyika.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaMalvern Mkudu, vanoti zvinokwanisa kuti Zanu PF iendeswe kumatare sezviri kutaurwa naVaBiti.
Zvichakadai, VaBiti vakakurudzira kuti masoja anonzi ari kumaruwa abviswe mumaruwa kuitira kuti veruzhinji vavhote musarudzo dziri kuuya vakasunguka.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemauto, VaOverson Mugwisi kuti tinzwe pamire mauto panyaya iyi.
Facebook Forum