Vechidiki vebato reZanu PF vafora muHarare neChitatu vachiti vari kuda sarudzo dzine runyararo pamwe nekutsigira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakati vari kuda kuti sarudzo dzegore rino dziitwe zviri pachena.
Zviuru nezviuru zvevechidiki vebato reZanu PF zvaungana paRobert Mugabe Square nhasi pazvatangira kuratidzira zvichipinda pakati pedhorobha zvichiimba zvakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvichiti zvinoda kuti sarudzo dzegore rino dzive sarudzo dzichaitwa zviri pachena uye murunyaro sezviri kutaurwa nemutungamiri webato razvo uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Varatidziri pavadzoka mudhorobha vachinoungana zvakare paRobert Mugabe Square, mutungamiri wevechidiki muZanu PF mupurovhinzi yeMashonaland Central, VaGodfrey Tsenengamu, avo vanga vari mumwe wevanga vachitungamira hurongwa hwanhasi, vati MDCT inofanirawo kubuda pachena ichitsigira kuti sarudzo dzegore rino dziitwe pasina mhirizhonga.
Mukuru weboka revechidiki mubato iri reZanu PF Youth League, VaPupurai Togarepi, vatsinhirawo zvataurwa naVaTsenengamu vachiti havasi kuda sarudzo dzine mhirizhonga sezvo vachiti vanoziva kuti sebato vakatokunda kare musarudzo dzegore rino vakati sarudzo idzi dzichangoitirwa murawu chete.
Mumwe wevechidiki muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati kuratidzira kwavaita nhasi hakunei nekuratidzira kwakaitwa nezuro nevemapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance avo vanoti vanoda kuti komisheni inoona nezvesarudzo ivandudze mashandiro ayo pamwe nezvimwe zvinoda zvinoita kuti sarudzo dzive dziri pachena.
VaMugwadi vati kuratidzira kwakaitwa neMDC Alliance hakuna zvakunobatsira.
Asi munyori muboka revechidiki muMDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaLovemore Chinoputsa vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vachida sarudzo dzine runyararo uye dziri pachena, kuratidzira kwaitwa nevechidiki veZanu PF hapana chakunobatsira kana zvinofanira kugadziriswa neZEC zvisina kugadziriswa.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaConrad Gweru, vaudza Studio 7 kuti kushomeka kwanga kwakaita nhengo dzeZanu PF mukuratidzira kwanhasi kana zvichienzaniswa nekuwanda kwakanga kwakaita nhengo dzeMDC Alliance mumigwagwa nezuro kunoratidza kuti Zanu PF haisisina rutsigiro rweveruzhinji.
Kunyange hazvo Zanu PF yanga ichiforera runyararo, paungana vechidiki vebato iri paRobert Mugabe Square pamboita bata murefu bata mupfupi vanhu vachirwira zvipfeko zvebato iri iro zvanga zvichigoverwa pachiitiko zvaita kuti vamwe vabvarurirane mbatya dzavanga vakapfeka.
Facebook Forum