Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti VaMnangagwa Vakaita Zviri paMutemo Mukutara Zuva reSarudzo


Vavhoti

Kutarwa kwezuva resarudzo kunogaronetsa veruzhinji kuti kunofambiswa sei kana sarudzo dzave pedyo.

Veruzhinji vakaita saVaHebson Runyowa vanogara muHarare uye vari gweta vanoti kuverenga zviri mumitemo yenyika inobata sarudzo kwakanaka zvikuru sezvo vachiti vanhu havaswero kakavadzana kuti nyaya dzesarudzo dzinofambiswa sei.

VaRunyowa vanoti mutemo uripo unopa mutungamiri wenyika masimba ekutara zuva resarudzo kana nguva yesarudzo yaswedera sekutarwa kwakaitwa zuva iri naVaEmmerson Mnangagwa iro rakaubuditswa mugwaronhau rehurumende kana kuti government gazette.

Nhengo inomirira Glen View North mudare reparamende, VaFani Munengami, vanoti zviri pamurawu kuti paramende imbosara ichishanda kunyange zuva resarudzo ratarwa kuitira kuti kana pane zvinenge zvichida kugadziriswa zvakanangana nesarudzo kana zvimwewo zvikwanise kugadziriswa neparamende.

VaMunengami vanoti dai zvainzi paramende inobva yavharwa panotarwa zuva resarudzo zvinenge zvave kureva kuti mabasa mazhinji ehurumende haachakwanisa kuenderera mberi.

Mutauriri wemutungamiri weMDCT inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, VaLuke Tamborinyoka, vanoti kutarwa kwakaitwa musi wa30 Chikunguru naVaMnangagwa sezuva resarudzo kuri pamurawo uye hapana chavanopokana pakutarwa kwezuva iri.

VaTamborinyoka vanoti chiri kungovashungudza inyaya yekuti zuva resarudzo idzi ratarwa pasina kugadziriswa zvinhu zvakawanda zvinobata nyaya dzekufambiswa kwesarudzo dziri pachena.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaRashweat Mukundu, vanoti kunyange hazvo mutemo wesarudzo wakavandudzwa izvo zvinonzi nevemapato anopikisa hazvina kunyatsoitwa nemazvo, vanoona sekuti pane zvimwewo zvinoda kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa kuitira kuti sarudzo dzive sarudzo dziri pachena.

Kugazetwa kwakaitwa zuva resarudzo kwave kureva kuti vari kuda kukwikwidza musarudzo dzegore rino vave kutarisirwa kunge vasvitsa mapepa avo ekunyoresa kuti vanoda kukwikwidza musarudzo kudare rinotambira mazita aya re nomination court.

Kana izvi zvapera, komisheni inowona nezvesarudzo ichazodhinda mapepa achashandiswa neveruzhinji pakuvhota musi wesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG