Komisheni inowona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, yaburitsa gwaro revavhoti izvo zvanga zvichichemerwa nevemapato anopikisa .
Vachitaura nevatori venhau muHarare neChishanu, sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, vati gwaro revavhoti ravepo vachiti vanoda gwaro iri vanokwanisa kuriwana kumahofisi avo nemari shomanana.
Kubuditswa kwegwaro iri kunouya panguva iyo mapato anopikisa aichemachema kuti gwaro iri ranonoka.
Asi Amai Chigumba vanotiwo change chakanonotsa kubuditswa kwegwaro iri rinova iro richashandiswa pachavhotwa musarudzo dzegore rino kunyoresa kwanga kuchiita vanhu sevavhoti pamwe nekugadzirisa zvakachinjwa nevanhu pavaiongorora kuti mazita arimo here mugwaro revavhoti.
Kune vanhu vazhinji vakachinja nzvimbo dzekuvhotera pamwe nekugadzirisa zvakanga zvakakanganiswa pavaitarisa kuti mazita avo arimo here mugwaro revavhoti kana kuti kwete muchirongwa chakapera masvondo maviri adarika.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati kunyange hazvo komisheni yaAmai Chigumba yati nonokei kubuditsa gwaro revavhoti, komisheni iyi yakurumidza kana zvichienzaniswa nemamwe makomisheni aivapo awanzoburitsa gwaro revavhoti kwasara mazuva mashomanana ekuti sarudzo dziitwe.
Sachigaro wevechidiki muMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa uye vari nhengo yeStanding Committee yebato iri, VaHappymore Chidziva, vati vari kufara kuti gwaro revavhoti iri rabuda pachine nguva zvekuti vachawana mukana wekunyatsoripenengura.
VaChidziva vanoti kunyange hazvo gwaro revavhoti rabuda, chavari kunyanya kuda sebato kugadziriswa kwenyaya yebepa richashandiswa pakuvhota.
Zvichitevera kusvitsa mazita kwakaita vari kuda kukwikwidza musarudzo kudare re nomination court nezuro, Amai Chigumba vati vachiramba vachitaura nevari kukwikwidza kana vaine zvichemo kuti zvigadziriswe pamberi pesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.
Facebook Forum