Accessibility links

Breaking News

Masangano Anoti Pane Zvakawanda Zvinofanirwa Kugadziriswa Sarudzo Dzisati Dzaitwa


Foreign Observers
Foreign Observers

Masangano ekunze maviri anoti reInternational Republican Institute nereNational Democratic Institute anoti hurumende yeZimbabwe iri kuita gadziriro yesarudzo kunyange hazvo masangano aya achiti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti sarudzo dzegore rino dzive sarudzo dziri pachena.

Vachitaura nevatori venhau muHarare mushure mekushanya kwesvondo kwakaitwa nemasangano aya, vaimbova nhengo yedare reCongress kuAmerica, VaDavid Dreier, vati vari kufara zvikuru kuti pane zvinhu zvakawanda zvaitwa neZimbabwe mukugadzirira sarudzo zvasiyana nesarudzo dzakapfuura.

VaDrier vati vari kufara kuti Zimbabwe yakagadzira gwaro idzva revavhoti, kusiyana nenyaya dzemhirozhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika, kuzvipira kwehurumende kuita sarudzo dziri pachena, kubvumidza vekunze kuti vazoongorora mafambisirwo esarudzo pamwe nedanho rakatorwa nematare rekurambidza madzishe kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Kunyange hazvo masangano aya achiti ane zvakaafadza panyaya yeGadziriro yesarudzo, VaDrier vatiwo hurumende inofanira kutora matanho akasimba panyaya yekuona kuti gwaro revavhoti rapihwa kumapato ari kuda kukwikwidza musarudzo dzemwedzi unouya nekuona kuti gwaro revavhoti iri raongororwa nevanhu kana masangano akazvimirira.

Vatiwo komisheni inoona nezvesarudzo inofanirawo kuona kuti kudhindwa kwegwaro revahoti kwaongororwawo navose vane chekuita nesarudzo uye kwaitwa zviri pachena uye zvinofadza mapoka ose.

VaDrier vati sezvo hurumende yaVaMnangagwa yakapinda mumasimba kuburikidza nekupindira kwakaita masoja munyaya dzezvematongerwo enyika, zvakakosha kuti hurumende ibvise masoja anonzi ari kumaruwa.

Izvi zvinouyawo apo mapato anopikisa ari kugunun’una nenyaya yemasoja anonzi akadirwa kumaruwa uko kwaanonzi ari kushungurudza veruzhinji.

Imwe nhengo yezvikwata izvi izvo zvanga zvichishanda pamwe chete paongororo iyi, Amai Catherine Noone, vanove nhengo yedare reseneti kuIreland, vatiwo vakuru vemauto vanofanira kuzvipira kutambira zvinenge zvabuda musarudzo.

Mutungamiri weDemocratic Party, VaUrayayi Zembe, vanoti zvataurwa nemasangano aya zvakanaka chose. Vati chiri kunyanya kuvanetsa sebato ndechekuti veruzhinji havasi kuzopihwa mukana wekuvhota musarudzo dzegore rino zvikurusei zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Dare reConstitutional Court rakatura mutongo wekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hazvikwanise kuvhota zviri kunze ikoko kusara kwevanhu vari kushandira hurumende vari kunze kwenyika.

Zvichakadai, mutauriri weMDC inotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vati hapana chinotadzisa ZEC kugadzirisa zvinhu zvishoma zvasara kuitira kuti sarudzo dziitwe zviri pachena vachiti hapana mutemo unoda kuvandudzwa kuti ZEC iite zvinhu zvinoyemurika.

Masangano maviri aya akurudzirawo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vabude pajekerere vachitaura kuti hapana achazoziva kuti munhu anenge avhotera papi kuitira kuti veruzhinji vasatye kuvhotera pavanoda musarudzo dzemwedzi unouya.

Masangano aya akurudzirawo kuti vaongorori vesarudzo vabvumidzwe kupinda munyika nekukasika uye kuti ZEC izivise vese vari kukwikwidza musarudzo dzegore rino kuti ichafambisa zvinhu sei pakuziviswa kwezvinenge zvabuda musarudzo paine nguva.

Masangano aya akurudzirawo masangano enhau, zvikurusei ehurumende, kuti aburitse nhau asina kwaakarerekera kuitira kuti veruzhinji vawane nhau dzisina divi radzakarerekera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG