Mamwe emasangano anoshanda akazvimirira anoti sarudzo dzemwedzi unouya isarudzo dziri kuitwa zvisiri pachena sezvo mapato ezvematongerwo enyika ari kupinda musarudzo idzi asina gwaro revavhoti sezvinodiwa pamutemo uye vari muchiuto vachiita madiro aJojina mukomisheni inoona nezvesarudzo.
Vamiririri vemasangano anoti Human Rights Watch, Zimbabwe Democracy Institute pamwe ne Institute of Public Affairs in Zimbabwe, vakaudza vatori venhau muHarare nezuro kuti havasi kufara nemashandiro ari kuita komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, zvikurusei munyaya dzekuburitswa kwegwaro revavhoti pamwe nekushanda kuri kuita masoja muZEC.
VaDewa Mavhinga, avo vanoshanda neHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, vakati gwaro revavhoti ranonoka kupihwa mapato ezvematongerwo enyika iko kwasara mazuva mashoma ekuti dare rinotambira mazita evachakwikwidza musarudzo rigare.
Munyori musangano reInstitute of Public Affairs in Zimbabwe, VaTamuka Chirimambowa, vakati ZEC inofanira kutaura chokwadi panyaya yegwaro revavhoti kwete kunyepera vanhu.
Mutungamiri wesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vakatsigira zvakataurwa naVaChirimambowa vachiti ZEC yatove muhapwa memauto neZanu PF pamberi pesarudzo idzi vakati kana ZEC ikaenderera mberi nekuita sarudzo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo kudai, zvichabuda musarudzo zvichanetsa kutambira.
Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, kuti tinzwe pamire komisheni yavo panyaya iyi.
Asi mazuva mashoma adarika Amai Chigumba vakati komisheni yavo yakazvipira kuita sarudzo dzakachena vachiti komisheni yavo inoshanda yakazvimirira.
Panyaya yemauto anonzi ari mukomisheni yavo, Amai Chigumba vakati vanhu ava vakatsvagawo basa sezvimwewo zvizvarwa zveZimbabwe saka nokudaro vane kodzero dzekushandira komisheni yavo.
Facebook Forum