Mapurisa anoti pane vanhu vanoda kusvika makumi mashanu vakakuvara kuBulawayo nezuro pamusangano wakaitwa nemutungamiri wenyika nevatsigiri apo pakaputika bhambu.
Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza vatori venhau pamuzinda wemapurisa nhasi kuti vanhu vakakuvara pachiitiko ichi vanosvika makumi mana nevapfumbamwe, uye vari kurapwa kuzvipatara zvinoti MaterDei, Mpilo neUnited Bulawayo.
Amai Charamba vati hurumende yaisa mubayiro pane munhu achapa humbowo hunobaritsa pachena zvakaitika zvakakonzera kuti pakuvare vanhu.
Amai Charamba havana kutsanangura kuti chii chaizvo chakatora nzvimbo, asi vakumbira masangano enhau kuti ape mukana wekuita basa zvakasununguka kumapurisa pamwe nemamwe mapoka anoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika.
Zvichakadai, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vati zvakaitika nezuro hazvitadzise sarudzo dzegore rino kuenderera mberi.
VaChiwenga vataura izvi pamusangano wavaita nevatsigiri veZanu PF kuChibuku Stadium muChitungwiza.
Mumwe mutsigiri weZanu PF anga ari pamusangano uyu, Muzvare Clarence Ruzvidzo vati vakatsamwa zvikuru nezvakaitika kuBulawayo neMugovera.
Zvinonzi vamwe vevakakuvara pachiitiko ichi vanosanganisira mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi, mutevdzeri wemutauriri wedare reparamende, Amai Mabel Chinomona, mudzimai waVaChiwenga, Amai Mary Chiwenga pamwe nasachigaro weZanu PF, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri.
Asi VaMnangagwa vakapona pachiitiko ichi vakati vavengi vavo ndivo vaida kuvapfuudza.
Facebook Forum