Accessibility links

Breaking News

Ongororo Itsva Inoratidza Kuti Veruzhinji Havadi Hutongi hweChiuto


Soldiers stand beside military vehicles just outside Harare, Zimbabwe, Nov. 14,2017.

Gwaro reongororo yakaitwa nemasangano maviri anoshanda akazvimirira raburitswa neChina rinoti madzimai mazhinji munyika anoona sekuti haakwanise kuchinja zvinhu munyika, uye ichitiwo veruuzhinji havafarire kutongwa nemauto.

Gwaro iri rinotiwo veruzhinji vane mukana wekuita zvavanoda nenyika yavo kubudikidza nesarudzo dzemwedzi unouya.

Vachitaura pakuparurwa kwezvakabuda muongororo yavo, mutungamiri wsangano reMagamba Network, VaFarai Munro, vati ongororo yavakaita yakaburitsa pachena kuti vanhukadzi zvikamu makumi matanhatu kubva muzana vakati havakwanise kuchinja zvinhu munyika, ukuwo vanhurume zvikamu makumi manomwe nevana kubva muzana vachiti vanokwanisa kutaura kuti nyika inofamba sei.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Econimic Development Research Institute in Zimbabwe, Amai Naome Chakanya, vati chinokonzera kudaro inyaya yekuti madzimai ndiwo anonyanyoshungurudzwa nezvematongerwo enyika pamwe nekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika hwavanoti huru kuramba huchiwira pasi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vatiwo ongororo yakaitwa neveMagamba Network vachishanda pamwe chete nesangano reCitizen Manifesto inotsinhirawo zvakaburitswa nesangano reAfrobarometer masvondo mashoma adarika zvekuti veruzhinji havasi kuda kuva pasi pehutongi hwevari muchiuto kana kuti military rule.

VaMukundu vati zviri pachena kubva mugwaro reongororo yapururwa nhasi kuti veruzhinji vari kuda sarudzo dzakachena.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vati sarudzo dziri pachena dzinogona kunetsa kuti dziike sezvo vari muchiuto vari kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Ongororo itsva iyi inotiwo veruzhinji vari kuda kuti huori hupere munyika uye vazhinji vakataurwa navo muongororo iyi vakati matambudziko akatarisana nenyika anopedzwa nekuvhota musarudzo.

Vamwewo vanosvika zvikamu makumi maviri nezvitatu kubva muzana vakati kushanda nemasangano akazvimirira ndiko kunoita kuti zvinhu zvinake, vamwe zvikamu makumi maviri kubva muzana vachiti kushanda nevari muhurumende kunobatsira zvaknyanya kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Ukuwo zvikamu zvina kubva muzana zvakatiwo hapana nzira dzinoita kuti veruzhinji vanzwikwe zvavanenge vachida kuti zvigadziriswe.

Pavanhu zviuru zvitatu nemazana matanhatu vakabvunzwa mibvunzo paongororo iyi, zvakabuda pachena kuti vanhu vazhinji vakanyoresa kuvhota musarudzo dzegore rino uye vazhinji vavo vanoti vachaenda kunovhota musarudzo idzi.

VeMagamba Network neCitizens Manifesto vanoti vachaita imwe ongororo yakadai pasati paendwa kusarudzo mwedzi unouya uye kana sarudzo dzapera kuti vanzwe mafungiro everuzhinji munyaya dzinobata hupenyu hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG