Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanodoma Mutauriri Wavo Mutsva, Doctor Nkululeko Sibanda


Nkululeko Sibanda
Nkululeko Sibanda

Mutungamiri weMDC-T uye vari mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vadoma chipanga mazano munyaya dzematongerwo enyika paHuddersfield University kuBritain, VaNkululeko Sibanda, semutauriri wavo mutsva.

VaSibanda vari kutora basa ranga richiitwa naVaLuke Tamborinyoka, avo vari kuda kukwidza kuGoromonzi West musarudzo yekumirira dunhu iri muparamende.

Mukuru anoona nezvevashandi muMDC-T, VaSesil Zvidzai, vaudza Studio 7 kuti VaChamisa vadomawo vamwe vanhu kuti vatore zvimwe zvigaro kuitira kuti basa rinyatsofamba zvakanaka vachigadzirira sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Vane ruzivo nezviri kuitika mubato iri vanoti VaTamborinyoka vange vave kutadza kuita basa ravo zvizere sezvo vanga vave kupedza nguva yakawanda vachitsvaga rutsigiro kuGoromonzi West uko kwavakatarisirwa kukwikwidzana naVaEnergy Mutodi veZanu PF musarudzo dzeparamende.

Vamwe vadomwa ndiVaJameson Timba avo vave mumiriri waVaChamisa pasarudzo, Muzvare Yvonne Mahlune vaitwa mumiriri weMDC-T kuBritain; VaRalph Black vava kumirira MDC-T kuAmerica; Va Austin Moyo vachimirira bato ku South Africa; VaMathula Lusinga vachimirira bato ku African Union; Muzvare Grace Kwinje ndivo vari kumirira bato kuEuropean Union, ukuwo VaElliot Pfebve vachiona nezvemabhizinesi ku Europe.

VaDriden Kunaka ndivo vari kumirira MDC-T kuAustralia.

VaZvidzai vati pachadomwazve vanhu vachamirira bato ravo kuSADC, COMMESA, North Africa, West Africa nekuMIddle East.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG