Accessibility links

Breaking News

Masangano eKunze Anoisa Vaongorori Vesarudzo muNyika Yose


Vanhu vachivhota musarudzo dzaitungamirwa neZEC
Vanhu vachivhota musarudzo dzaitungamirwa neZEC

Masangano maviri ekunze nemusi weChina akaisa vaongorori vesarudzo munyika yose achiti zvakakosha kuongorora mafambisirwo achaitwa sarudzo dzemu Zimbabwe kubva panguva ino apo mapato ezvematongerwo enyika ari kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemwedzi unouya.

Vari kutungamira vaongorori vesarudzo ava vachibva kumasangano maviri ekunze anoti International Republican Institute neNational Democratic Institute, VaLarry Garber, vanoti masangano avo atumira vaongorori vesarudzo kumatunhu ose emunyika ayo achatanga basa kubva nhasi kusvikira sarudzo dzaitwa mwedzi unouya.

VaGarber vanoti vaongororo vavo vesarudzo ndivanamazvikokota munyaya dzesarudzo vanobva muAfrica, Europe pamwe neNorth America.

"Sarudzo hachisi chinhu chinoitwa musi wekuvhota chete. Zvakakosha kuti vaongorori vesarudzo vaongororewo kutsvaga kuoita mapato rutsigiro pamberi pesarudzo pamwe nekuongorora gadziriro yesarudzo munyika yose."

Zvichakadai, rimwe remapato anopikisa reMDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti riri kutambira nemufaro kuuya kwevaongorori vesarudzo pachine nguva yekuti sarudzo dziitwe mwedzi unouya.

Murongi wemisangano mubato iri, VaAmos Chibaya, vanoti zvakakosha kuti vaongorori vesarudzo vaonewo kutambudzika kwavari kuita kuti hwaro hwesarudzo dzakachena hugadziriswe nehurumende pamwe nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vanoti chinhu chakakosha chaitwa nemasangano maviri aya kukurumidza kutumira vaongorori vesarudzo.

VaGwede vati zvasarira hurumende kuti ione kuti sarudzo dzemwedzi unouya dzive sarudzo dzinotambirika pasi rose kuitira kuti Zimbabwe igokwanisa kudyidzana nedzimwe nyika sezvo vachiti vaongorori vesarudzo ndivo vanotakura mashoko akanaka kana akaipa pamusoro pemafambisirwo anenge aitwa sarudzo.

Zvichakadai, VaGarber vanoti vaongorori vavo vesarudzo vachaita basa ravo vasina divi ravakarekera sezvakatarwa pasi pemirawu yeUnited Nations inobata nyaya dzekuongororwa kwesarudzo.

Vanotiwo zvakare vachatarisa kuti Zimbabwe ichange ichitevedzerawo zvakatarwa nemasangano akaita seAfrican Union pamwe nesangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC panyaya yemafambisirwo achaitwa sarudzo vakavimbisa kuti zvose zvavachange vachiita mukuita basa ravo vachange vachitevedzera mitemo yemuZimbabwe.

Kuiswa kwevaongorori vesarudzo vachagara munyika kwenguva refu kwaitwa nemasangano maviri aya kunotevera kushanya kwesvondo rimwe chete kwakaita vamiriri vemasangano aya pakutanga kwemwedzi uno avo vakaburitsa mashoko ekuti Zimbabwe inofanira kugadzirisa zvinhu zvakawanda.

Zvakanzi zvigadziriswe zvinosanganisira kubuda pachena panyaya yekudhindwa kwegwaro revavhoti kumapato ari kukwikwidza musarudzo, kuburitswa kwenhau dzisina divi radzakarerekera pamwe nekubvisa mauto anonzi nemapato anopikisa ari kuvhundutsira vagari vekumaruwa, kuitira kuti sarudzo dzegore rino dzive sarudzo dzakasununguka.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varikugara vakavimbisa kuti sarudzo dzegore dzichange dziri sarudzo dziri pachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG