Kunyange hazvo vaviri ava vachange vari mutirongo mangwana, mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti kuratidzira uku kuchaenderera mberi sezvo vanhu vasiri kufara nehuori huri kuitika munyika.
Chikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yaari kupomerwa chatadza kuzwikwa mudare repamusoro.
Kufa kwaita VaShiri kwaziviswa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kunyange hazvo madandemutande eFacebook, Twitter neWhatsapp anga azara nenyaya iyi pazobuda zuva.
America yabva yadaidza mumiriri weZimbabwe muAmerica, VaAmmon Mtembwa, kuti vatsanangure zviri kuitwa nebato ravo muZimbabwe.
Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso ukuwo Hopewell Chin’ono anzi nedare adzoke mangwana.
Chin’ono naVaNgarivhume vakusungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire musi wa 31 Chikunguru.
Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, nemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vomiswa pamberi pematare edzimhosva. (Thomas Chiripasi)
Mutori wenhau Hopewell Chin’ono anoti haana mhosva yaakapara. Ataura izvi kuvatori venhau vange vari panze pedare redzimosva nhasi. (Thomas Chiripasi)
Rimwe nemagweta varikumirira mutori wenhau Hopewell Chin'oni muzvare Beatrice Mtetwa, voshora mabatirwo akaitwa Chin’ono nemapurisa. (Thomas Chiripasi)
Mapurisa emuHarare asunga mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume nemutori wenhau VaHopewell Chin’ono.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurongwa hwekushandiswa kwemari hwakaturwa muparamende naVaMthuli Ncube hadzisi kugutsikana nahwo.
Vanhu vanga vakapakatira pfuti vanonzi vapinda zvechisimba pamba pemutungamiri wesangano reARTUZ, VaObert Masaraure, mambakwedza eChishanu
Vari kutungamira hurongwa hwekuratidzira kuri kuda kuitwa munyika musi wa31 Chikunguru, VaJacob Ngarivhume, vanoti hurongwa hwavo huri kuenderera mberi.
Dare repamusoro nhasi rapa mumiriri weHarare West muparamende Muzvare Joanna Mamombe nevamwe vavo vaviri mukana wekubhadhara mari yechibatiso. Mutauri weMDC Alliance, Advocate Fadzai Mahere, vaudza Studio 7 kuti vafara nekusunungurwa kwaitwa vatatu ava nedare. Asi vatiwo havasi kufara nezvimwe.
Mutongi wedare, VaDavison Foroma, vatura mutongo wekuti Muzvare Mamombe, Muzvare Chimbiri naMuzvare Marova vabhdhare zviuru gumi zvemadhora ari maRTGS pamunhu wega wega semari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakanyepa kuti vakapambwa vakatochwa vari mumaoko ehurumende.
Mutongi wedare, VaDavid Mangota, vati hapana magwaro akasvitswa kudare anoratidza kuti MDC Alliance yakapinda riinhi pamuzinda uyu, uye hapana zvakare magwaro anoratidza kuti MDC-T yakabuda rinhi.
Vamwe vagari vemudhorobha reMasvingo vari kuchema chema zvikuru nekushaiwa mvura mudzimba dzavo zvichitevera kufa kwakaita muchina unopomba mvura kudhamu reMutirikwi.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatsoropodzawo vari kuita zvehuori munyika pakuvigwa kwevaita gamba renyika, VaStanley Nleya, pamarinda anovigwa magamba enyika paHeroes Acre.
MDC Alliance yaendesa kumatare mutungamiri wenyika, Zimbabwe Electoral Commission pamwe naMuzvare Thokozani Khupe ichida kuti ma by-elections ambomiswa kuitwa munyika zvichitevera kubviswa muparamende kwakaitwa nhengo dzebato iri nechikwata chaMuzvare Khupe.
MDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe inodzinga nhengo pfumbamwe dzeNational Assembly dzinosanganisira VaAmos Chibaya, VaHappymore Chidziva naVaMurisi Zwizwai. Vhidhiyo ina Thomas Chiripasi.
Rodhai zvimwe