Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopesana naVaMthuli Ncube Mashandisiro Avari Kuita Mari yeNyika


Mthuli Ncube
Mthuli Ncube

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurongwa hwekushandiswa kwemari hwakaturwa muparamende nemusi weChina negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, hadzisi kugutsikana nahwo.

Mukuru wesangano ravana chipangamazano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa naVaNcube hazvina musoro kana pakatariswa nyaya yekuti mvura haina kunaya zvakanaka mwaka uno pamwe nekutambura kuri kuita veruzhinji munyika.

Vachitura hurongwa hwekushandiswa mari pakati pegore, VaNcube vakati vashandi vanotambira mari isingadarike zviuru zvishanu zvemadhara vachange vasisabatirwe mari yemutero.

Asi mutungamiri wesangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vati kugadzirisa dambudziko rekushaya simba kwemari, hurumende inofanira kubhadhara vashandi nemari yekunze ichitorawo mitero yayo nemari dzekunze.

Kunyange hazvo vashandi vachida kubhadharwa nemari yekunze, VaNcube vanogara vakataura kuti homwe yehurumende haina mari yekunze yekuti vakwanise kubhadhara vashandi nemari yekunze.

VaNcube vakati mukushandisa kwavakaita mari vakasara nemari inoita mamariyoni mazana masere emadhora.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaMasimba Manyanya, avo vaimboshanda nebazi rezvemari, vati mashoko aVaNcube haatambirike pakatariswa huwandu hwemari inofanira kunge yakashandiswa mukurwisana nechirwere cheCovid-19.

Munyori musangano rinomirira vanachiremba vadiki reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaEmmanuel Masosota, vaudza Studio7 kuti zvinovarwadza kuti VaNcube vanotambanudza muromo wavo vachitaura kuti vane mari yakawanda yavakasara nayo muhomwe yavo asi vanachiremba nanamukoti vasina zvikwanisiro zvakakwana kuti vakwanise kuita basa ravo zvakanaka.

Mashoko aVaMasosota atsinhirwa nevaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidza, Doctor Henry Madzorera.

Vachitura gwaro remashandisirwo akaitwa mari nenyika kusvika pakati pegore nemusi weChina muparamende, VaNcube vakati mari yakashandiswa zvakanaka zvekuti hapana chikonzero chekuti pave nekuwedzerwa kwemari mubhajeti renyika kana kuti supplementary budget vachiti hupfumi hwenyika huchaderera gore rino nezvikamu zvina nechidimu kubva muzana nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Asi vakati hupfumi uhu huchazosimuka nezvikamu zvinomwe kubva muzana gore rinouya .

Mushandi mukuru anoona nezvehupfumi mubato reZanu PF, VaTafadza Muguti, vati havakwanise kutaura pamusoro pezvakaturwa naVaNcube mu budget review statement vachiti vari kuda kutanga vagara pasi sebato kuti vaongorore mashoko aVaNcube.

VaNcube vakati hupfumi hwenyika munyaya dzekurima nekucherwa kwezvicherwa huchaderera zvishomanana gore rinouya kuburikidza nekunonoka kunaya kwemvura pamwe nekushayikwa kwemagetsi munyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti VaNcube vanogona havo kunge vakada kufadza nyika nekuratidza kuti mari haisi kungoshandiswa zvisina musoro, dambudziko riripo nderekuti VaNcube havangazvirovi dunhu vachiti vakachengetedza mari panguva iyo Zimbabwe isina zvikwanisiro munyaya dzekurwisana neCovid-19, vana mukoti navana chiremba vachiti vari kutadza kuita basa ravo nemazvo nepamusana pekushaya mari.

Nyanzvi idzi dzinoti kuita kwakadai kunoratidza kusarongeka kwehurumende inozviti mudura muzere nechikafu asi vanhu vasina chekudya.

Studio7 haina kuykwanisa kunzwa divi raVaNcube panyaya iyi sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG