Accessibility links

Breaking News

Chin'ono naVaNgarivhume Vorara Zvakare Muchitokisi


Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono and Transform Zimbabwe Leader Jacob Ngarivhume
Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono and Transform Zimbabwe Leader Jacob Ngarivhume

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, pamwe nemutungamiri webato reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vacharara zvakare vari muhusungwa zvichitevera kumiswa kwavaitwa pamberi pedare ramejasitiriti muHarare vachipomerwa mhosva yekururudzira veruzhinji kuti vaite zvemhirizhonga.

Chin’ono naVaNgarivhume vakusungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire musi wa 31 Chikunguru.

Muchuchisi panyaya yaChin’ono, VaWhisper Mabhaudhi, vati Chin’ono akanyora mashoko padandemutande rake reTwitter achikurudzira veruzhinji kuti varatidzire vachiita zvemhirizhonga uye achiti hurumende inofanira kuchinjwa chero nedzipi nzira.

Asi rimwe remagweta aChin’ono, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza dare kuti Chin’ono anosungirwa kuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso nekuti mukana wekubhadhara mari yechibatiso ikodzero yemusungwa pasi pebumbiro remitemo yenyika.

Asi VaMabhaudhi vapikisa mashoko aAmai Mtetwa vachiti musungwa anogona kutyora zvakare mitemo kana akasiiwa achidzokera kumba kwake.

Mutongi wedare panyaya yaChin’ono, VaNgoni Nduna, vati nyaya iyi ichaenderera mberi mangwana apo mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi akatarisirwa kubvunzurudzwa nemagweta aChin’ono kuti sei ari kuramba kuti Chin’ono atongwe achibva kumba.

Zvikonzero zvimwechetezvo zvasvitswa kudare panyaya yaChin’ono ndizvo zvasvitswawo mune rimwe dare nemuchuchisi wenyaya iri kupomerwa VaNgarivhume, VaMichael Reza, yekunzi vakakurudzira kuti veruzhinji varatidzire zvine mhirizhonga mukati musi wa31 Chikunguru kuburikidza nemusangano wavakaita nevatori venhau svondo rapera.

Gweta raVaNgarivhume, VaMoses Nkomo, vaudzawo dare kuti kuratidzira haisi mhosva.

Mutongi wedare panyaya yaVaNgaruvhume, VaTranos Utahwashe, vati vachatura mutongo wavo mangwana sezvo vati vave kusungirwa kupedza basa nenguva dza3 masikati.

Zvichakadai, Amai Mtetwa vasvitsa zvichemo zvakawanda kudare. Vati Chin’ono akatorerwa nharembozha nevanhu vakamusunga zvakaita kuti atadze kutora humbowo hwezvakaitika pakusungwa kwake.

Vaenderera mberi vachiti vakasunga Chin’ono ava vavanoti havazivikanwe kusvika pari zvino vakapwanya magirazi epamukova wemba yaChin’ono.

Amai Mtetwa vati Chin’ono haana kuziviswa mhosva yaakapara panguva yaakatorwa pamba pake sezvakatarwa mumutemo wenyika vakati Chin’ono akazoviswa mhosva yake papera maawa matanhatu ave kukamba yeHarare Central.

Vatiwo mapurisa akaramba kuti muchitokisi chakaiswa Chin’ono chifiritwe sezvo kune chirwere cheCovid19 chiri kuuraya vanhu munyika.

Amai Mtetwa vati Chin’ono akavingwa muchitokisi mambakwedza akabvunzurudzwa nemukadzi asiri kuzivikanwa kuti ndiyani uye magweta ake asipo zvavati zvinogona kupa mukana wekuti vasungwa vapambwe vari muchitokisi.

Asi VaMabhaudhi vati mapurisa ane kodzero yekupinda pamba pamunhu zvechisimba kuti asunge musungwa kana musungwa aratidza kuti haasi kuda zvekusungwa.

Vati Chin’ono akaudza mumwe weaanogara naye pamba asina kudomwa nezita mudare kuti audze mapurisa kuti ainge asipo pamba pake asi iye aripo.

Zvichakadai, VaNduna vati hurumende inge yaferefeta zvichemo zvese zvasvitswa kudare naChin’ono panosvika musi weMuvhuro.

Mune imwewo nyaya, meya weHarare, VaHerbert Gomba, vakasungwa husiku hwanezuro varere kumba kwavo kuGlen Norah.

Mutauriri weMDC Alliance, Advocate Fadzai Mahere, vati VaGomba vakarohwa nevasori vemuchiuto kana kuti military intelligence.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe kuti VaGomba vapomerwa mhosva ipi.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vashora zvikuru kusungwa kuri kuitwa vanhu.

Kunyange hazvo vari kutungamira hurongwa hwekuratidzira vakasungwa, mamwe masangano akaita seTajamuka anoti ari kuenderera mberi negadziriro yekuratidzira musi wa31 Chikunguru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG