Accessibility links

Breaking News

Masangano neMapato Anopikisa Oyambira Zimbabwe Kuti Ibate America Zvine Hungwaru


United States Ambassador to Zimbabwe Brian Nichols Meets Zimbabwe's Emmerson Mnangagwa

Mapato anopikisa nemasangano akazvimirira ari kushora bato reZanu PF nekurudziro yaro yekuti mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vadzingwe munyika uye kukurudzira kwariri kuita kuti vatsigiri varo vaise mitemo mumaoko avo.

America yabva yadaidza mumiriri weZimbabwe muAmerica, VaAmmon Mtembwa, kuti vatsanangure zviri kuitwa nebato ravo muZimbabwe.

Mapato aya anoti atora danho rekushoropodza bato raVaEmmerson Mnangagwa sezvo asiri kufara nemashoko akataurwa nevakafanobata chigaro chemutauriri webato iri, VaPatrick Chinamasa, pamusangano wavakaita nemusi weMuvhuro.

VaChinamasa vakakurudzira vatsigiri vavo kuti vazvidzivirire pose pavanenge vachirwiswa, uye vakatiwo Zimbabwe inogona kudzinga VaNichols munyika nekuti vari kupindira mune zvematongerwo enyika.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa hwekuratidzira kwemusi weChishanu uhwu, VaRody Takaruza, vaudza Studio7 kuti kuratidzira kwavari kuronga hakunei neAmerica nemumiriri wayo muZimbabwe, VaBrian Nichols, asi kuti veruzhinji havasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu nehurumende yaVaMnangagwa.

Izvi zvatsinhirwa nemutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, avo vati Zanu PF yafanana nababa vanopomera muvakidzani wayo mhosva yekusafambisa zvinhu zvakanaka pamusha payo.

Asi mutungamiri webato reLabour Economists and Afrikan Democrats, Muzvare Linda Masarira, vakurudzira mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kuti vatsvage munhu anotsiva VaNichols.

VaTakaruza vati VaMnangagwa vakatevedzera kurudziro yebato ravo yekuti vadzinge VaNichols muZimbabwe, zvichaita kuti hukama pakati peZimbabwe neAmerica huwedzere kushata.

Hatina kukwanisa kutaura naVaNichols pamwe nemuzinda weAmerica kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi muzinda weAmerica uyu wakaburitsa mashoko paTwitter mazuva mashoma adarika uchiti kushevedzera kuratidzira murunyararo kana kuve nechekuita nekuratidzira murunyararo zvinhu zvinokoshesa kodzero dzevanhu sematarirwo adzakaitwa mubumbiro remitemo yenyika.

Muzinda uyu wakabudawo pachena uchiti hauneyi nehurongwa hwekuratidzira kuri kuda kuitwa muZimbabwe, asi ukati Zimbabwe inofanirwa kuremekedza mitemo yayo sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Hurumende yeZimbabwe yakambonetsana zvakare nevaimbova mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaChristopher Dell naVaJames McGee, avo vaipomerwa mhosva imwechete seyave kupomerwa VaNichols.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaClaris Madhuku, avo vanoshanda nesangano rePlatform for Youth Development in Zimbabwe, vati Zanu PF inoisa America pasiripo vachitiwo vamiriri vedzimwe nyika havafanire kuudzwa mashoko akaita seakataurwa naVaChinamasa vachiti vanochengetedzwa nechibvumirano cheVienna Convention.

VaChinamasa vati tigovafonera asi pataenda pamhepo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwada, vati vanomira nemashoko akataurwa naVaChinamasa.

Zvichakadai, mashoko aburitswa nemutauriri weboka revechidiki reMDC Alliance, VaStephen Chuma, anoti pane nhengo dzebato ravo nhatu dzinoti VaEmmanuel Mukwemu, Muzvare Petronella Mapaire naVaTrynos Hove dzakasungwa husiku hwanezuro dzichinzi dzanga dzichikurudzira kuti veruzhinji varatidzire neChishanu.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati vanga vasati vaziviswa nezvekusungwa kwevatatu ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG