Accessibility links

Breaking News

VaNgarivhume Vanoti Kuratidzira Musi waChikunguru 31 Kuri Kuenderera Mberi


Transform Zimbabwe president Jacob Ngarivhume

Vari kutungamira hurongwa hwekuratidzira kuri kuda kuitwa munyika musi wa31 Chikunguru, VaJacob Ngarivhume, vanoti hurongwa hwavo huri kuenderera mberi zvisinei nemashoko ehurumende ekuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaNgarivhume vati havasi kufara nekutekeshera kwavanoti kwaita huori munyika nokudaro havasi kuzoregedza kuratidzira nekuda kwekukwira kuri kuramba kuchiita huwandu hwevanhu vabatwa neCovid19 vachiti vachatora matanho ekuti vachiratidzira musi uyu vatevedzere zvakatarwa nehurumende kuti vanhu vange vakataramukana kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

VaNgarivhume vati vose vari kuita zvehuori vanofanira kusiya basa uye vati havasi kuzobuda mumigwagwa kudzamara zvavari kuda zvaitika.

VaNgarivhume vati vakazivisa mapurisa nezvehurongwa hwavo hwekuratidzira uhwu.

Asi hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe divi ravo sezvo vati vanga vakabatikana.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati sebato havasi kuzopeta maoko vachisiya VaNgarivhume nevamwe vavo vachiratidzira musi wa31 Chikunguru.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaClaris Madhuku, avo vanoshanda nesangano rePlatform for Youth Development in Zimbabwe, vati VaNgarivhume nevamwe vavo vane chikonzero chakadzama chekuratidzira.

Kuratidzira kuri Kuda kuitwa neJuly 31st Movement kunouya panguva iyo huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid19 huri kuita chamurambamhuru uku mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti vachatora matanho matsva zvichitevera kufa kuri kuramba kuchiita vanhu nechirwere ichi.

Pakuratidzirwa kwakaitwa gore rapera, pakafa vanhu vakawanda mushure mekupfurwa nemasoja vamwe vakakuvara uye vamwe vakasungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG