Accessibility links

Breaking News

Nyaya yaChin'ono Yonzwikwa neChina


Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono

Chikumbiro chemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, chekuti apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yaari kupomerwa chatadza kuzwikwa mudare repamusoro.

Rimwe remagweta aChin’ono, VaGift Mtisi, vati nyaya yaChin’ono yatadza kuenderera mberi sezvo zvakaitika kudare ramejasitiriti zvanga zvisina kusvitswa kudare repamusoro.

Nyaya yaChin’ono neyemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vari kupomerwa mhosva yekukurudzira kuratidzira zvine mhirizhonga mukati, dzakatarisirwa kunzwikwa neChina mushure mekunge magweta aVaNgarivhume asvitsawo chikumbiro kudare repamusoro chekuti vatongwe vachibva kumba zvichitevera kunyimwa kwavakaitwa mukana wekubhadhrara mari yechibatiso svondo rapera kudare ramejasitiriti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG