Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yotsvaka Rubatsiro rweMatare Kuti Imise Muzvare Khupe Kudzinga Nhengo Dzayo Muparamende


High Court Zimbabwe
High Court Zimbabwe

MDC Alliance yaendesa kumatare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, Zimbabwe Electoral Commission pamwe nevakafanobata chinzvimbo chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe ichida kuti ma by-elections ambomiswa kuitwa munyika zvichitevera kubviswa muparamende kwakaitwa nhengo dzebato iri nechikwata chaMuzvare Khupe.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, mutauriri waMuzvare Khupe, vari zvakare mutevedzeri wemutauriri weMDC-T, VaKhalipani Phugeni, vati MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yavaendesa kumatare ichida kuti sarudzo dzekutsvaga vachatsiva nhengo dzeparamende gumi nenhatu dzakabviswa muparamende naMuzvare Khupe, dzisaitwe.

Mashoko aVaPhugeni, avo vaitira musangano wavo nevatori venhau pamuzinda weMorgan Richard Tsvangirai House, atsinhirwa nenhengo yekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC-T, VaTapiwa Mashakada.

Asi munyori anoona nezvinoitika muhofisi yemutungamiri weMDC Alliance, VaJameson Timba, varamba mashoko aya kunyange hazvo vati ma by-elections haafanirwe kuitwa kudzamara nyaya dzavakakwidza kumatare dzapera.

VaTimba vati MDC Alliance yakaenda kumatare ichiti chikwata chaMuzvare Khupe hachina kodzero dzekudzinga nhengo dzakasarudzwa kuve muparamende dzichishandisa zita reMDC Alliance.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, pamwe nasachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, kuti tinzwewo kuti vatambidzwawo here magwaro neMDC Alliance kana kuti kwete.

Zvichakadai, VaPhugeni vati bato ravo raita musangano nenhengo dzeparamende dzakawanda dzavati dzanga dzichidarika makumi matatu uye vati dzimwe nhengo dzeparamende dzapa zvikonzero zvekuti sei dzatadza kuuya kumusangano uyu dzichinzi dzati dzichazouya kune imwe misangano ichatevera.

Chinangwa chemusangano uyu change chiri chekuzeya mafambisiro avachaita basa reparamende mudare iri.

MDC-T Kongiresi – Gunyana 4-6, 2020

Mushure memusangano uyu, VaPhugeni vati komiti yavo yeNational Standing Committee yaitawo musangano umo mavanoti vabvumirana kuti kongiresi yavo ichaitanga musi waGunyana 4 ichipera musi waGunyana 6.

Komgiresi yechimbichimbi iyi yekutsvaga achatsiva mushakabvu VaMorgan Tsvangirai zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court uyo wakati VaChamisa havana kusarudzwa zviri pachena kuti vave mutungamiri weMDC.

Dare iri rakatiwo haricherechedze kongiresi yakaitwawo naMuzvare Khupe, nokudaro panofanirwa kuitwa kongiresi iri pamutemo, uye panguva iyi, Muzvare Khupe ndivo vanofanobata chigaro chemutungamiri webato kudzamara kongiresi yaitwa sezvo vari ivo vakasarudzwa semutevedzeri waVaTsvangirai pakongiresi yakaitwa muna 2014.

Izvi zvinotevera kumbopfuudzirwa mberi kwekongiresi iyi kwakanga kwaitwa nebato reMDCT nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti MDC inogona kuparara zvachose zvichitevera kusawirirana kuri mubato iri uko kusiri kuda kupera.

Kuturwa kwakaita mutongo uyu nedare kwakakonzera kuti vamwe vakaita saVaDouglas Mwonzora, VaElias Mudzuri, VaMorgen Komichi pamwe naMuzvare Khupe vati vachatevedzera mutongo uyu.

Asi vamwe vari kuti havasi kuzotevedzera zvakaturwa nedare sezvo vachiti VaChamisa vakatosarudzwa kare semutungamiri webato pakongiresi yakaitirwa kuGweru gore rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG