Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inonzi neDare reDzimhosva Ndiyo Muridzi weMorgan Richard Tsvangirai House


 Harvest House- Morgan Tsvangirai House
Harvest House- Morgan Tsvangirai House

Mutongi wedare reHigh Court, VaDavid Mangota, vatura mutongo wekuti chikwata cheMDC chinotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, MDC-T, ndicho chine kodzero dzekuva pamuzinda webato iri paMorgan Richard Tsvangirai House, uyi waizivikanwa nerekuti Harvest House.

VaMangota vati hapana magwaro akasvitswa kudare anoratidza kuti MDC Alliance yakapinda riinhi pamuzinda uyu, uye hapana zvakare magwaro anoratidza kuti MDC-T yakabuda rinhi pamuzinda uyu.

VaMangota vatiwo gwaro rakasvitswa kudare nevari kuzviti mumwe wema Trustees eHarvest House Private Limited, VaIan Makone, harina zvinobatika zvakatsanangurwa mariri zvingatambirwe nedare.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati vafara nemutongo waturwa nedare uyu.

Asi mutauriri weMDC Alliance, Advocate Fadzai Mahere, vati vanotambira mutongo kunyange hazvo vati havasi kugitsikana nawo.

Chikwata chaMuzvare Khupe chakatora muzinda uyu chichiti ndicho chine kodzero yekuva pamuzinda webato iri zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court wakati mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, havana kusarudzwa zviri pachena kuve mutungamiri weMDC zvichitevera kufa kwakaita VaMorgan Tsvangirai muna Kukadzi 2018.

Supreme Court yakatiwo kongiresi yakaitwawo naMuzvare Khupe haina kuitwa zviri pamutemo, nokudaro bato iri rinofanirwa kuita kongiresi itsva yechimbi chimbi, Muzvare Khupe vari ivo vanenge vari panyanga sezvinodiwa nebumbiro remitemo yebato iri.

Muzvare Khupe ndivo vakasarudzwa semutevedzeri waVaTsvangirai pakongiresi yakaitwa muna 2014.

Zvichitevera mutongo uyu, vamwe vakaita saMuzvare Khupe, VaMwonzora, VaElias Mudzuri naVaMorgen Komichi vakati vachatevedzera mutongo uyu vamwe mubato iri vakati havasi kuzoenda kukongiresi yekusarudza achatsiva VaTsvangirai sezvakaturwa nedare vachiti VaChamisa vakatosarudzwa kare semutungamiri webato pakongiresi yakaitwa kuGweru gore rapera.

MDC-T yakatara mwedzi waGunyana gore rino kuti iite kongiresi yayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG