Accessibility links

Breaking News

VaPerence Shiri Vashaya


Perrence Shiri

Gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, vashaya mushure mekurwara kwenguva pfupi.

VaShiri, avo vaizivikanwa nerekuti Black Jesus, vashaya vava nemakore makumi matanhatu nemashanu.

Kufa kwaita VaShiri kwaziviswa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kunyange hazvo madandemutande eFacebook, Twitter neWhatsapp anga azara nenyaya iyi pazobuda zuva.

VaMnangagwa havana kutaura kuti chakonzera rufu rwaVaShiri chii chaizvo kunyange hazvo vanga vave nemazuva vachirapwa.

VaShiri vakatadza kupinda musangano wemakurukota ehurumende nezuro mushure mekurwara kwavanga vachiita. Zvinonziwo mutyairi wavo akafawo mushure mekurwara kwenguva pfupi.

VaShiri mumwe wevamwe vakuru vakuru vemuchiuto vakabatsira kubviswa kwaVaRobert Mugabe muna Mbudzi 2017.

Pakawana nyika kuzvitonga, VaShiri vakaitwa mukuru wemauto eFifth Brigade ayo akashandiswa nehurumende mukuuraya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri kumatunhu ekuMatabeleland neMidlands munguva yeGukurahundi.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vaudza Studio 7 parunhare kuti bato ravo rarasikirwa zvikuru negamba rehondo yerusununguko uye munhu anga achishanda zvakasimba kusimudzira hupfumi hwenyika munyaya dzekurima.

Vatiwo hondo yapera, VaShiri vakashandawo zvakasimba kuchengetedza nyika vachitungamirira mauto emuchadenga.

Hatina kukwanisa kutaura neMDC Alliance kuti tinzwewo pfungwa dzavo nekufa kwaVaShiri.

VaMnangagwa vati kuradzikwa kwaVaShiri kuchaziviswa mukufamba kwenguva.

Kunyange hazvo zvichinzi wafa wanaka, imwe nhengo yesangano reIbetshu likaZulu, VaMbuso Fuzwayo, vati havasi kuzoregerera VaShiri zvichitevera kuurayiwa kwakaitwa vanhu neFifth Brigade kuMatabeleland nekuMidlands.

Mutevedzeri wemunyori mubato reZapu, VaMjobiza Noko, vati varwadziwa nekufa kwaVaShiri sezvo vafa vasina kugadzirisa nyaya yeGukurahundi sezvakaitawo vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mutevedzeri wemutauriri webato reTransform Zimbabwe, VaSungai Mazando, vati pane zvakawanda zvavanga vachitarisira kuti VaShiri vasiye vagadzirisa zvikurusei nyaya yeGukurahundi, huori pamwe nehupfumi hwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG