Accessibility links

Breaking News

Mvura Yonetsa Muguta reMasvingo


Tap water
Tap water

Vamwe vagari vemudhorobha reMasvingo vari kuchema chema zvikuru nekushaiwa mvura mudzimba dzavo zvichitevera kufa kwakaita muchina unopomba mvura kudhamu reMutirikwi.

Vagari avavanoti vava kutyira kubatwa nechirwere chanetsa cheCovid-19.

Vagari vataura ne Studio7 vanoti kushaikwa kwemvura munguva ye Covid-19 kuri kuvashungurudza sezvo vachikurudzirwa kuita hutsanana nekugeza maoko nguva dzose kuitira kuti chirwere ichi chisapararire.

Kanzuru yakaisa chiziviso ichiti muchina wemagetsi unopomba mvura ku Bushmead kudhamu reMutirikwi wakafa nekudaro dzimwe nzvimbo dzichange dzichishaiwa mvura mudhorobha, apo dambudziko iri rinenge richigadziriswa.

Asi vagari vanoti nguva yatorwa kugadzirisa dambudziko iri yakurisa sezvo vakatarisana nechirwere chinokundwa nekugara munhu achigeza maoko ake nguva dzose, uye kuva nehutsanana.

Mumwe mugari wemumusha weMucheke D, VaEdwin Magara, vanoti vave kugara vachityira hupenyu hwavo sezvo kudzivirira zviwere kuchida mvura yakawanda iyo yave nevhiki isingauyi mudzimba dzavo.

Mumwe mugari wekuRunyararo West, VaSherpherd Changamire, vanoti vari panguva yakaoma nekuti vave kutyira kubatira chirwere kuchibhorani uko kunenge kune vanhu vakawandisa.

Mukuru anofambisa mabasa musangano revagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, Muzvare Rumbidzai Magurupira, vanoti kanzuru inofanira kugadzirisa dambudziko remushina uyu nekukurumidza.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vari kukurudzira vagari kuti vasabatire hura mumaoko sezvo vakatenga chinhu chakafa pamushina uyu kuitirakuti ushande.

Asi vamwe vagari vanoti mushina uyu unogara uchifa gore roga roga, nokudaro, zviri nani kuti kanzuru itenge muchina mutsva.

Asi kanzuru inoti kuti itenge mimwe mishina panoda mari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu emadhora ekuAmerica, iyo isina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG