Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoviga VaNleya kuHeroes Acre Vachishoropodza Vanoita Huori


Zimbabwe Heroes Acre
Zimbabwe Heroes Acre

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatsoropodzawo vari kuita zvehuori munyika pakuvigwa kwevaita gamba renyika, VaStanley Nleya, pamarinda anovigwa magamba enyika paHeroes Acre.

Vachitaura vari pamarinmda anovigirwa magamba muHarare, VaMnangagwa vatiwo zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kushinga apo nyika yakatarisana nematambudziko akawanda pari zvino.

VaMnangagwa vakurudzirawo runyararo nekubatana munyika vachiti izvi ndizvo zvinoita nyika ibudirire vakati hupfumi hwenyika huchasimukira chete kana vanhu vakashanda nesimba.

VaMnangagwa varemekedza VaNleya semunhu ane nhoroondo inodadisa kubva munguva yehondo vari kudivi reZipra.

VaMnangagwa vati VaNleya, avo vaive mumwe vevakuru kuZipra, vakadzidzisawo mamwe magamba akaita semukuru wemauto, VaPillip Sibanda.

VaNleya, avo vakarwa muhondo yerusunguko vari mumwe wevatungamiri kana kuti makomanda ekudivi reZipra, vakashaikira kuBulawayo svondo rapera mushure mekurwara nechirwere chemwoyo.

Vasiya vana vatatu nevazukuru vaviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG