Accessibility links

Breaking News

Chino'no naVaNgarivhume Voramba Vari Mutirongo


Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono and Transform Zimbabwe Leader Jacob Ngarivhume
Zimbabwe Journalist Hopewell Chin'ono and Transform Zimbabwe Leader Jacob Ngarivhume

Mutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono, pamwe nemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vacharamba vakavharirwa mutirongo kusvika nemusi weMuvhuro zvichitevera kukukundikana kwaita dare repamusoro kunzwa chikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Rimwe gweta raChin’ono, VaGift Mtisi, vati nyaya iyi ichaenderera mberi neMuvhuro.

VaNgarivhume naChin’ono vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Kunyange hazvo vaviri ava vachange vari mutirongo mangwana, mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti kuratidzira uku kuchaenderera mberi sezvo vanhu vasiri kufara nehuori huri kuitika munyika.

Sangano revashandi munyika, reZimbabwe Congress of Trade Unions raburitsa mashoko pa Twitter yaro kuti rinotsigira munhu wese anoratidzira kusafara kwake nehuori huri kuitika munyika, kupambwa kwevanhu, kutadza kutongwa kwenyika pamwe nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu.

Zvichakadai, mapurisa nemasoja emuHarare aswera achidzosera veruzhinji kudzimba vanga vachida kupinda mudhorobha.

Mumwe wevadzoswa vachida kupinda mudhorobha ndiVaKennias Rukovo avo vati vanogara mumusha weBudiriro.

Mapurisa nemasoja anga achidzosera chero munhu kusanganisira vane tsamba dzekufambisa dzanga dzichitambirwa mazuva ose, kusanganisira mutori wenhau, Thomas Madhuku.

Kudzorwa kwasera kuchiitwa veruzhinji vanga vachida kupinda mudhorobha nemapurisa nemasoja kwashorwa neMDC Alliance.

Mutevedzeri wemutauriri webato iri, VaClifford Hlatshwayo, vati izvi zvinoburitsa pachena kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yave kutya vanhu.

MDC Alliance inoti haisiriyo yakashevedzera kuratidzira kwamangwana uye mutevedzeri wemutungamiri webato iri, Va Tendai Biti, vakaudza vatori venhau nezuro kuti kunyange hazvo vasiri ivo vakaronga kuratidzira kwamangwana, ivo sebato vanotsigira zvose zvine chekuita nekuti veruzhinji vawane raramo yakanaka.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vaburitsa mashoko vachikurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zvinenge zvataurwa nemapurisa avati ari kuchengetedza runyararo munyika.

VaNyathi vati hapana kuratidzira kwakabvumidzwa nemapurisa nokudaro vose vacharatidzira vachazozvidemba kana vakasateerera.

Vati havasi kubvumidza vanhu kuti vatyore mirawu yeCovid-19 Regulations vachiti zvinogona kuisa hutano hweveruzhinji panjodzi.

Gwaro raVaNyathi iri rinotiwo mapurisa achasunga vese vachawanikwa vachiita zvemhirizhonga rikakurudzira veruzhinji kuti vamhangarire vose vachawanikwa vachikurudzira zvemhirizhonga kana kuratidzira kusiri pamutemo.

Mune imwewo nyaya, MDC Alliance inoti yaendesa kumatare ichida kusungisa vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, zvichitevera mashoko avakaburitsa ekukurudzira vanhu kuti vaite mhirizhonga.

Vamwe vari kusungiswa mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi neimwe nhengo huru yeZanu PF, VaDouglas Mahiya.

Mapepa ekusungisa VaChinamasa asvitswa mudare naVaAgency Gumbo vachitsigirwa nemutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kana vakuru veZanu PF ava vatambidzwa mapepa aya zviri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG