Accessibility links

Breaking News

Madzimai Matatu eMDC Anobvisiswa Mari yeChibatiso Kuitira Kuti Atongwe Achibva Kudzimba Dzawo


TORTURED MDC ACTIVISTS
TORTURED MDC ACTIVISTS

Dare repamusoro rapa mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe nevamwe vavo vaviri, Cecilia Chimbiri naNetsai Marova, mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Mutongi wedare, VaDavison Foroma, vatura mutongo wekuti Muzvare Mamombe, Muzvare Chimbiri naMuzvare Marova vabhdhare zviuru gumi zvemadhora ari maRTGS pamunhu wega wega semari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakanyepa kuti vakapambwa vakatochwa vari mumaoko ehurumende.

Vatatu ava vanziwo vazvipire kumapurisa katatu pasvondo, vasiye magwaro avo ekufambisa kudare uye kuti vasataure nevatori venhau kana kuenda pamadandemutande e social media vachitaura zvavanoda.

Mutauriri weMDC Alliance, Advocate Fadzai Mahere, vaudza Studio7 kuti vafara nekusungunurwa kwaitwa vatatu ava nedare.

Asi vatiwo havasi kufara nezvaturwa nedare zvekuti vasataure nevatori venhau pamwe nekuenda pa indaneti vachiti izvi zvinotyora kodzero dzavo.

Vatatu ava vanoti vakapambwa vari mumaoko emapurisa mwedzi wapera vakatochwa ndokuzosiyiwa vakandwa kuBindura.

Asi hurumende inoti haina chainoziva nezvekupambwa nekutochwa kwevatatu ava kunyange hazvo mutauriri wemapurisa munyika, VaPaul Nyathi, vakambobvuma kuti vatatu ava vakanga vasungwa uri vari mumaoko emapurisa musi wavanoti vakasungwa nemapurisa.

Asi mapurisa akazochinja achiti akanga asingazive kwaive nevatatu ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG