Mumwe wevechidiki anorwira kodzero dzevanhu, uye achimbokonzeresa mutauro dzimwe nguva, Nkosilathi Emmanuel Moyo, ari kunyora nhetembo dzinoburitsa mamiriro akaita zvinhu munyika umo veruzhinji vari kunonga svosve nemuromo.
Vamwe vanhu vanoti kunyange hazvo chiri chokwadi kuti matunhu eMatabeleland ndemamwe ematunhu akasaririra kumashure zvikuru munyaya dzebudiriro munyika, vezvematongerwo enyika havafanirwe kuyedza kushandisa nyaya iyi senzira yekuda kupatsanura vanhu munyika kuchishandiswa nyaya yemarudzi.
Vagari ava vati paramende inofanirwa kuramba kutambira bhiri reReserve Bank of Zimbabwe Amendement Bill iro richaisa mutemo wekuti mari yemabond note ishande zviri pamutemo.
Dare repamusoro-soro reSupreme Court nemusi weMuvhuro rakatambira kubvisa kwakaitwa nemagweta egukurukota rezvekutongwa kwematunhu VaSavior Kasukuwere kwekupikisa mutongo waive wapiwa nedare reHigh Court wekuti kudzinga kwavakaita makanzura eguta reGweru kwaive kusiri pamutemo.
Kuratidzira uku uko kwange kwakarongwa kuti kuchatanga nhasi muBulawayo kozoitwawo mune mamwe maguta munyika mangwana kwakarongwa nemasangano anosanganisira Bulawayo Youths Arise, Tajamuka, Zimbabwe Liberation Peace Forum, nemamwe.
Panguva iyo madhorobha akawanda munyika akatarisana nedambudziko guru rekuwanira vagari mvura yakakwana, vamwe vagari vemudhorobha reLupane muMatebeleland North province ndevamwe vevanhu vashoma vane rombo rakanaka munyika, vanokwanisa kuwana mvura yakachena yemupombi kana nguva ipi zvayo.
VaGumbo vanoti izvi zvinoita kuti njanji nekambani yehurumende yeNational Railways of Zimbabwe zvisasvika pakuparara uyewo migwagwa mikuru yemunyika isakuvare nekuda kwekuve nemotokari huru kana marhori akawanda anotakura zvinhu zvinorema.
Pakave nemufaro mukuru nemusi weChitatu paSontala Secondary School kuMatobo District apo vamwe vevatambi vakaita mukurumbira muchikwata cheHighlanders vakashanyira nzvimbo iyi vakatamba mutambo wenhabvu wehushamwari nevamwe vechidiki vemunzvimbo mekare.
Kanzuru yeguta reBulawayo yatora danho rekuti imbovhara mvura kwemamwe mazuva senzira yekurerutsa dambudziko rekushomeka kwemvura muguta iri.
Vaimbova mutauriri wedare reparamende VaCyril Ndebele vakashaya nemusi weChishanu kuchipatara cheMatar Deir kuBulawayo.
Zita raAmai Grace Mugabe mudzimai wemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe rakaburitswa nemusi weChina mumakakatanwa ari mudare reHigh Court pakati pemumiriri weBeitbridge mudare reSenate Amai Tambudzani Mohadi nemumwe murimi wechichena wekuGwanda VaGeorge Watson.
Bubi District ine maWard makumi maviri nematatu. MaWard gumi nemana ndiwo ane mindamirefu yakagariswa vanhu patsva uye nzvimbo yaimbove mapurazi evaChena .
Mejastiriti wemuBulawayo nemusi weChishanu akatura mutongo wekuti vanhu vashanu pavanomwe vakasungwa nemusi weChitatu muguta iri vatongwe vachibva kumba.
Musangano webato reZapu wekusarudza vatungamiri vebato iri vatsva watanga muBulawayo nhasi vamwe vatungamiri vemapato anopikisa vange vari pamusangano uyu, pamwe nevatsigiri vebato vachiti zvakakosha kuti mapato anopikisa munyika abatane kuti akwanise kubvisa bato reZanu PF pakutungamira nyika.
Dare ramagistrate remuBulawayo nemusi weMuvhuro rakarasa mhosva yange yakatarisana nemamwe madzimai gumi esangano reWOZA ayo ange achipomerwa mhosva yemusarinya.
Madzimai eWoza omiswa pamberi pedare muBulawayo vachipomerwa mhosva yekuratidzira zvisiri pamutemo
Makambani enharembhozha anoti achaziva svondo rino kuti chikonzero chei kambani yePost and Telecommunications Regulatory Authority kana kuti POTRAZ yakavamisa kupota vachimboderedza mitengo yenharembozha nekumboita zvirongwa zvekuti vanhu vafonewo nemari yakaderera pane dzimwe nguva kana kuti mapromotions.
Vamwe vakuru vakuru vemachechi nemasangano akazvimirira ega vati vanhu munyika havachina vimbo nehurumende vachitiwo matambudziko ari munyika, ayo ari kuita kuti veruzhinji varambe vachidya nhoko dzezvironda, ave kuda kuti vanhu vaise musoro pamwe chete kuti zvinhu zvigadzirike.
Dare reHigh Court muBulawayo rakapa mutongo wekuti mapurisa haafanirwe kurambidza kuratidzira kuri kuda kuitwa neboka remadzimai eMDC T muguta iri nemusi weMugovera.
Zvinhu zvange zvagadzikana muBulawayo nemusi weChina mabhanga, zvitoro nemwamwe mabhizimisi zvakavhurwa veruzhinji vachiita mabasa avo akasiyana-siyana semazuva ose.
Rodhai zvimwe