Accessibility links

Breaking News

Nyanduri weChidiki, Nkosilathi Moyo, Odetemba Marwadzo Ari Munyka


Ngosilathi Moyo, poet and activist
Ngosilathi Moyo, poet and activist

Mumwe wevechidiki anorwira kodzero dzevanhu, uye achimbokonzeresa mutauro dzimwe nguva, Nkosilathi Emmanuel Moyo, ari kunyora nhetembo dzinoburitsa mamiriro akaita zvinhu munyika umo veruzhinji vari kunonga svosve nemuromo.

Mumwe wevechidiki anorwira kodzero dzevanhu, uye achimbokonzeresa mutauro dzimwe nguva, Nkosilathi Emmanuel Moyo, ari kunyora nhetembo dzinoburitsa mamiriro akaita zvinhu munyika umo veruzhinji vari kunonga svosve nemuromo.

Moyo anoti ane nhetembo rinonzi “Kisimisi paZimbabwe."

Detembo iri rinoburitsa pachena kuti veruzhinji havana tarisiro yekuve nekisimisi inofadza sezvaichimboitika makare-kare, nekuda kwematambudziko avakatarisana nawo, kunyanya kushaikwa kwemari mumabhanga.

Detembo iri riri kufarirwa nevanhu vakawanda vachiriverenga paWhatsApp nepaFacebook.

Moyo anoti nhetembo dzake dzaari kuburitsa paWhatsApp nepaFacebook pari zvino dzinonyatsoburitsa mamiriro akaita zvinhu munyika umo veruzhinji vari kunhonga svosve nemuromo.

Asi anotiwo sezvo nhetembo idzi dzine chekuita nezvematongerwo enyika kune vamwewo vanomushora vachiti mawonero ake haazi iwo.

Moyo anoti nhetembo idzi inzwisa yebhuku rinonzi “Ngoma yenharo: Nhetembo dzezvematongerwo enyika” iro raane hurongwa hwekuburitsa gore rinouya.

Moyo anoti nyaya yekuita nhetembo chipo chekuzvarwa nacho achiti akatanga kunyora nhetembo ane makore gumi nerimwe ari paChinhoyi Primary School.

Moyo ndiye mukuru wesangano reZimbabwe Youth in Politics iro rine mahofisi aro muguta reKwekwe, uye anoti kunyora nhetembo hachizi chinhu chinganzi ndechedambe kwaari, asi kuti zvinoenderana nebasa rake rekuve murwiri wekodzero dzavanhu.

Pakutanga kwegore rino Moyo akambokonzeresa mutauro paakabuda mumapepanhau achinzi atumira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, hembe dzakafanana nedzinopfekwa nevasungwa mumajere sechipo chebhavhudhe ravo.

Akabudazve mumapepanhau achinzi ari kutyisidzirwa nevasori asi vamwe vanhu vakati zvose izvi aive manyepo vachiti Moyo aida kutsvaga mbiri achinyepera kurwira kodzero dzevanhu.

Pandakamubvunza nezvembatya dzaanoti akatumira VaMugabe, Moyo akati ichokwadi ndokuburitsa humbowo hwegwaro raakapihwa neDHL rinoratidza kuti pasuru iyi yakatumidzirwa VaMugabe musi wa Ndira 27, 2016.

Moyo anoti vechidiki vanofanirwa kurwira shanduko munyika, vachiwana shungu kubva kuvatungamiri pamwe nevarwi vehondo yerusununguko, avo vakazvipira kusunungura nyika kubva muhutongi hwevachena.

Sezvinotaurwa nenhetembo yaMoyo, vanhu vashoma chete munyika ndivo vachakwanisa kufara vachipembera panguva yeKisimisi.

Moyo, uyo ane makore makumi maviri nemapfumbamwe ekuberekwa, anonzi nevazhinji haazi munhu anovimbika zvichitevera mashoko ekuti hupenyu hwake nehwemhuri yake hwakambenge huri munjodzi, izvo vamwe vanoti aive manyepo.

Asi Moyo, uyo ane mudzimai nevana vatatu, anoti kushorwa kwakadai hakuwodze moyo wake.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG