MuBulawayo mambotanga muine runyararo kusvika nguva dzemasikati apo mapurisa anodzivirira mhirizhonga akanda hutsi hunokachidza pamwe nekuridzira pfuti mudenga pane imwe nzvimbo mukati meguta.
Dzimwe nhengo dzeZimbabwe Activists Alliance dzinoti dziri kuunza muguta reBulawayo chirongwa chadzo chekuratidzira kutsutsumwa kwadzo pamusoro pematambudziko akasiyana-siyana akatarisana neveruzhinji munyika.
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reYouth Advocacy for Reform and Democracy kana kuti YARD VaDelight Benge vanoti vechidiki vemunyika vanofanirwa kunoratidzirawo pakufora kweZanu-PF nemusi weChitatu vachiudza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vanofanira kuenda pamudyandigere.
Bato reMDC-T raita chikumbiro chechimbi-chimbi kudare reHigh Court muBulawayo chekuti dare iri risendeke parutivi danho rakatorwa nemapurisa rekurambidza kuratidzira kuri kuda kuitwa nebato iri.
Vamwe vagari vemuBulawayo vanoti boka reZimbabwe Human Rights Commission rinofanirwa kuzvishambadza zvakasimba rizivikanwe nevanhu kuitira kuti rigokwanisa kuita basa raro rekukurudzira nekuchengetedza kodzero dzevanhu nemazvo.
Vamwe vagari vemuBulawayo vanoti havachawone kukosha kwegungano remabhizimisi rinoitwa pagore rega rega reZimbabwe Internatiomnal Trade Fair ratanga muguta reBulawayo neChipiri.
Justice Francis Bere vati mushure mekuzeya nyaya iyi vanobvumirana nemagweta ange achimiririra makanzura aya kuti gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vakaita zvisiri pamutemo pavakamisa makanzura aya basa, pamwe nekuumba komisheni yekufambisa mabasa ekanzuru.
Svondo rapera dare reparamende rakazeya nyaya yekuti vadzidzisi vasingataure Ndebele vangaendeswa here kana kuti kwete kunodzidzisa munzvimbo dzinonyanyotaurwa Ndebele.
Sangano iri, iro rinonzi Association of Railways Terminated Employees kana kuti ARTE, rine nhengo zana nemakumi matatu pari zvino.
Mamwe magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti anotambira nemufaro hurongwa hweJudicial Services Commission hwekuda kuita mimwe mizinda yematare epamusoro mudzimwe nzvimbo dziri kunze kweHarare neBulawayo.
Bato reZapu rinoti harichakwanisa kuita musangano waro mukuru wekongiresi uyo wange uchifanirwa kutanga neChipiri muguta reBulawayo.
Vachitaura pamusangano wekucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekudzivirira kushungurudzwa kwevanhukadzi neChishanu muBulawayo, Amai Karenyi-Kore vati kushungurudzwa kuvanhukadzi kunodzorera nyaya dzebudiriro mumashure sezvo kuchiita kuti vamwe vakadzi vasakwanise kuita zvinopa pundutso kumhuri dzavo.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanoti kunyange hazvo nyika yakatarisana nematambudziko, veruzhinji vanofanirwa kuramba vakabatana vachichengetedza runyararo rwuri munyika senzira yekuremekedza mushakabvu, VaJoshua Nkomo.
Kunyange hazvo kushanya kwemutungamiri weChina, VaXi Jinping, kuchionekwa nevakawanda sechitiko chikuru munhorondo yenyika, vamwe vanoshora hukama hweZimbabwe neChina.
Pange pane mufaro apo vamwe vevanotengesa mumigwagwa vari pasi pesangano reNational Vendors Union of Zimbabwe, Navuz, vaungana paStanley Square muBulawayo vachicherechedza zuva reInternational Day for Street Vendors.
Sarudzo yekutsvaga mumiriri weNkulumane mudare reparamende ichaitwa zvichitevera kushaya kwaVaThamsanqa Mahlangu veMDC-T mwedzi wapera.
Veruzhinji vanofamba nemakombi vasara vachinetseka vachishaya chekufambisa mushure mekunge vatyairi vemakombi vabvisa makombi avo mumigwagwa vachitsutsumwa pamusoro pekunetswa kwavati vange vachiitwa nemapurisa.
Vachipa mutongo wavo muBulawayo neMuvhuru, Justice Evangelista Kabasa vakatambira chikumbiro chaVaRaymond Sibanda chekuti havaifanirwa kudzingwa basa neve bazi revechidiki nemhosva yekuti vaipomerwa kuita zvehungochani.
Impi yaikokerwa mabasa ayo nemutori wenhau ane mukurumbira, VaGeoff Nyarota.
Kunyange hazvo muzvipatara zvehurumende musina vana mukoti navananyamukuta vakakwana, hurumende iri kuramba yakamisa kupa vamwe vevanhu ava mabasa nekuda kwekuti haina mari yekuvabhadhara, izvo zviri kuwedzera matambudziko mune zvehutano munyika
Rodhai zvimwe