Accessibility links

Breaking News

ZITF Inotanga muBulawayo Vakawanda Vasina Mufaro


Vamwe vagari vemuBulawayo vanoti havachawone kukosha kwegungano remabhizimisi rinoitwa pagore rega rega reZimbabwe Internatiomnal Trade Fair ratanga muguta reBulawayo neChipiri.

Vamwe vagari vemuBulawayo vanoti havachawone kukosha kwegungano remabhizimisi rinoitwa pagore rega rega reZimbabwe Internatiomnal Trade Fair kana kuti ZITF, iro ratanga muguta reBulawayo neChipiri.

Vamwe vagari vataura neStudio 7 vati gungano reZITF raivapa mukana wekuti vaende nemhuri dzavo kunoona zvakasiyana siyana kuZITF asi vati mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi ave kuita kuti vasaona kukosha kwechiitiko ichi.

Mumwe weavo vataura neStudio 7 ndemumwe mugari uyo angozvidoma nezita rekuti Amai Tawonga.

Amai Tawonga vati ZITF iri kuuya panguva iyo vari kutotemwa nemusoro kuti vabatanidze mari yekubhadharira vana vavo chikoro sezvo zvikoro zviri kuvhurwa svondo rinouya.

Mumwewo mugari, Muzvare Clara Moyo, vati vanosiendawo nevana vavo kuTrade Fair asi vati pari zvino zvinhu zvakavawomera, vakatsinhirawo kuti vari mushishi rekutsvaga mari yechikoro yevana vavo.

VaTaipanei Mutadza vaimboshandira imwe yaive kambani hombe yaigadzira mbatya muBulawayo asi yakazovhara.

VaMutadza vati vaive mumwe wevashandi vekambani iyi vaigara vachienda kuTrade Fair kunoratidza zvinhu zvaigadzirwa nekambani iyi.

VaMutadza vanoti ivo semunhu ave kuedza kutangawo kuzvishandira pachavo vega, vanoona gungano reZITF rakakosha sezvo richivapa mukana wekuwana mazano ebhizimisi kune vamwe.

Mumashoko avo kuvatapi venhau muBulawayo, sachigaro weZITF, VaBekhithemba Nkomo, vati kunyange hazvo mamiriro ezvehupfumi munyika asina kumira zvakanaka, vari kufadzwa nezviratidzwa zviri pagungano reZITF regore rino vachiti zviratidzwa izvi ndezvemhando yepamusoro kupfuura mamwe makore mashoma apfuura.

Gungano reZITF richavhurwa zviri pamutemo nemusi wechishanu uye mutungamiri wenyika yeTogo ndiye achange ari munyarrikani pachiitiko ichi.

Nyaya Ina Taura Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG