Accessibility links

Breaking News

Zapu Yotadza Kuita Kongiresi Yayo


Bato reZapu rinoti harichakwanisa kuita musangano waro mukuru wekongiresi uyo wange uchifanirwa kutanga neChipiri muguta reBulawayo.

Mutauriri webato reZapu mudunhu rekuchamhembe kwenyika, VaIpithule Maphosa, vabvuma kuStudio7 kuti musangano wekongiresi yavo wange uchifanirwa kutanga mangwana hauchaitwa.

VaMaphosa vati musangano wave kuzoitwa uchaitwa nemusi weChina uye uchange uri wevakuru vakuru vebato iri vanobva kumatunhu akasiyana-siyana wekuti vazeye zvirongwa zvemusangano kusanganisira kuti kongiresi ichazoitwa riinhi.

Kongiresi yeZapu yange ichifanirwa kuitwa iyi, yange ichizove yechipiri kubva pakaitwa kongiresi yekutanga muna 2010, mushure mekumutsurudzwa kwebato iri.

VaMaphosa vati chinhu chikuru chatadzisa kuti kongiresi iyi ibudirire inyaya yekuti bato ravo rashaya mari yekuunganidza nhengo dzinosvika zviuru zvitatu zvinenge zvichifanirwa kuve pamusangano wakadai sezvinotaurwa nebumbiro rebato iri.

Vati bato ravo range richida mari inosvika mazana maviri ezviuru zvemadhora kuti riite gungano iri asi havana kuda kutaura kuti vange vakwanisa kuwana marii kusvika pari zvino.

VaMaphosa varamba pfungwa yekuti bato reZapu rinogona kushorwa serisina maturo nekuti ratadza kuita kongiresi yaro vachiti bato ravo ndiro bato rezvematongerwo enyika rekutanga munyika rakaronga hwaro hwehondo yerusununguko.

Vatiwo bato ravo haringaenzaniswe nebato riri kutongwa reZanu PF richangobva kuita musangano waro wepagore, vachiti bato iri rinowana imwe mari yaro nehukopo-kopo.

Bato reZapu rakamutsurudzwa nevamwe vanhu vaive vasingagutsikane nechibvumirano chemubatanidzwa chakaitwa muna 1987 pakati pemutungamiri we Zapu, mushakabvu VaJoshua Nkomo nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, chekubatanidza mapato maviri aya kuti ave bato rimwe chete.

VaDumiso Dabengwa ndivo mutungamiri weZapu pari zvino.

Chimwe chezvinyunyuto chine vanhu veZapu inyaya yekuti vanoti hurumende yeZanu PF yakapamba midziyo yebato iri inosanganisira mapurazi, dzimba nemahofisi.

Studio7 haina kunzwa divi reZanu PF panyaya yemapurazi, dzimba nemahofisi ari kutaurwa neZapu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG