Accessibility links

Breaking News

Sangano reYARD Rinoti veChidiki Ngavapinde Mukufora kweZanu-PF Asi Vachiudza VaMugabe Kuti Ngavachienda Pamudyandigere


VaTemba Mliswa mukuru weYARD

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reYouth Advocacy for Reform and Democracy kana kuti YARD VaDelight Benge vanoti vechidiki vemunyika vanofanirwa kunoratidzirawo pakufora kweZanu-PF nemusi weChitatu vachiudza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vanofanira kuenda pamudyandigere.

Nhengo dzeZanu-PF dzakaronga kuratidzira uku kuratidza VaMugabe kuti vane rutsigiro.

Asi VaBenge vachitaura muBulawayo nemus weChipiri vakati vechidiki vanofanira kushandisa mukana wekuratidzirakweZanu-PF uku kuti vataurire VaMugabe kuti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika zvikuru munyaya dzezvehupfumi.

Vati kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika kwapa kuti vechidiki vashaye mabasa ukuwo veruzhinji vachidya nhoko zezvironda.

Pavabvunzwa kuti hazvizokonzeri mhirizhonga here pakawanikwa vamwe vechidiki vanenge vachizoratidzira vachitsutsumwa pachiitiko chekupa rutsigiro kumutungamiri wenyika, VaBenge vati hwaro hwesangano ravo ndehwe kukurudzira kuti vechidiki vasaite zvemhirizhonga.

Mutungamiri weYARD mudunhu reBulawayo muzvare Nanziwe Tshuma vatiwo vechidiki havafanirwe kuramba vakapeta maoko vachiona nyika iichienda kumawere.

Mumwe wechidiki anogara muBulawayo Farai Muteliso audza Studio 7 kuti maonero ake ndeekuti kukandirana makobvu nematete kwange kuchiitwa nevechidiki veZanu-PF uye vakarwa hondo zvinoratidza kuti hapana kuwirirana mubato iri kuti achatora chigaro chaVaMugabe ndiyani.

VaMugabe vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri asi hapana kujeka kuti ndiyani achatora chigaro chavo kana vasiya basa.

Farai atiwo pakuratidzira uku pachashandiswa mari yakawanda asi vanhu vakawanda munyika vasina chekudya.

Mashoko aya atsinhirwawo naVaIphithule Maphosa vanove mutungamiri wevechidiki mubato reZAPU mudunhu reBulawayo.

Vatiwo mari ichashandiswa pakuratidzira uku yaigona kubatsira vamwe vanhu vakatarisana nenzara munyika, uye vatiwo zvinorwadza kuti vechidiki, avo vanotarisirwa kuve vatungamiri vamangwana vari kupedza nguva yavo vachitsigira mutana akaita saVaMugabe .

Vechidiki veZanu PF vakasarudza zuva rekucherechedza zororo reAfrica Day kuti varatidze rutsigiro rwavo kumutungamiri wenyika uye nekuvatenda nehutungamiri hwavo.

Vaimbove varwi vehondo yerusununguko pamwe nevamwewo vatsigiri vebato reZanu PF vanotarisirwa kuve varipowo pakuratidzira uku.

XS
SM
MD
LG