Kunyange hazvo muzvipatara zvehurumende musina vana mukoti navananyamukuta vakakwana, hurumende iri kuramba yakamisa kupa vamwe vevanhu ava mabasa nekuda kwekuti haina mari yekuvabhadhara, izvo zviri kuwedzera matambudziko mune zvehutano munyika.
Asi izvi hazvina kumisa mufaro mukuru wevamwe vevachangobva kupedza zvidzidzo zvavo zvekuve vana mukoti nekuve vananyamukuta pachipatara cheMpilo muBulawayo.
Kosi yemakore matatu yekuve mukoti nekosi yegore rimwe yekuve nyamukuta dzinonzi dzakaoma zvikuru zvekuti dzinoziikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “misodzi, dikita neropa”, saka nekudaro, hazvishamise kuti vanobudirira muzvidzidzo zvavo vanofara zvikuru.
Muzvare Patience Ncube ndemumwe weavo vachangopedza zvidzidzo zvavo zvekuve mukoti.
Muzvare Ncube vakawana mibairo ine chitsama kusanganisira kuve mudzidzi akakunda vamwe vose pazvidzidzo zvekuve mukoti kana kuti “best academic performance throughout training”.
Muzvare Ncube vanoti chinangwa chavo chaive chekuti vabudirire muzvidzidzo zvavo, vachiti mufaro wavo unowedzerwa nekukwanisa kubudiriro zvepamusoro-soro nekuwana mibairo kwavakaita.
Asi zvisinei nekubudirira kwavakaita muzvidzidzo zvavo, Muzvare Ncube ndemumwe wevamwe vakoti vakawanda munyika vasati vawana basa.
Muzvare Ncube vanoti zvinhu zvinovarwadza zvikuru kuti havasati vawana basa uye vanoshushikana nekusaziva kuti ramangwana ravo richange rakamira sei.
“Chinhu chakaoma kuita kosi yehu-nurse kwemakore matatu; munhu unotomboita mamwe mazuva aunorara wakasvinura nekuda kwekuoma kwezvidzidzo zvacho,” vanodaro Muzvare Ncube. “Kana wapedza zvidzidzo zvakadai unenge uchitarisirawo kuti uchawana basa. Asi pari zvino ndakangogara kumba kunge pasina zvandakaita muhupenyu. Apa handizive kuti ndichawana basa here, uye kuti ndichariwana riinhi. Zvinhu zvinorwadza chaizvo.”
Mutevedzeri wegurukota rezvehutano VaAldrin Musiiwa vanoti bazi ravo rinoziva matambudziko ari muchikamu chezvehutano munyika kusanganisira nyaya yekuti kune vana mukoti vasina mabasa.
VaMusiiwa vanoti bazi ravo riri mushishi mukutaura nehurumende kuti riwedzerwe mari rigokwanisa kupa mabasa kune vamwe vana mukoti.
VaPaul Dube vakapedzawo zvidzidzo zvavo zvekuve mukoti pamwe namuzvare ncube, uyewo havasati vawana basa. Asi VaDube vanoti vari kuramba vane tariro yekuti vachawana basa nekukasika.
“Ndakagara hangu kumba ndakatarisira kuti ndichawana basa nekukasika,” vanodaro VaDube. “Tiri kufungira kuti government ichagadzirisa zvinhu sezvambotaurwa na deputy minister.”
Kunze kwedambudziko rekuti vashandi vehurumende vanoonekwa sevakawandisa, rimwe dambudziko ndere kuti kune vashandi vanozivikanwa kunzi ma“ghost workers” avo vanotambira mari ivo vasingashande.
Hurumende iri pakati pekuita ongororo yevashandi vayo vose senzira yekuedza kugadzirisa dambudziko iri.
Asi mumwe mukoti uyo asina kuda kubuda pamhepo sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau anoti hurumende inogona kupa mabasa kune vamwe vakoti nevamwe vadzidzisi kana ikave nehanya nekushandisa mari yainowana pane zvinhu zvakanyanyokosha sehutano nedzidzo, kwete kushandisa mari kuwedzera makurukota ehurumende nekuvatengera motokari itsva nguva nenguva.
Kunyange hazvo vachibvuma kuti zano rehurumende rekuda kuendesa vamwe vashandi vasina mabasa kune dzimwe nyika rinogona kubatsira, VaButler Tambo avo vanove chipangamazano musangano rePublic Policy Research Institute of Zimbabwe vanoti hurongwa uhu haunyanyobatsira kwenguva yakareba.
VaTambo vanoti hurumende inofanirwa kuwedzera vashandi mumapazi ehutano nedzidzo yobvisa vamwe vashandi vari kumapazi asina kunyanyokosha.
“Ndinoona zviri nani zviri zvekuti dai taganhura kune zvimwe zvinhanho kwatiri kuwedzera vanhu, tichiramba tichitora vanhu mwedzi nemwedzi,” vanodaro VaTambo. “Tikatarisa isusu kana tichida kutaura chokwadi mapurisa atava nawo munyika ava mazhinjisa; zvakare avowo vanochengeta vasungwa tiri kuona vachingoramba vachiwedzerwa zvakadaro. Nyika haibudirire nekuva nemapurisa mazhinji , zvakare haibudirire nekuva nemasoja kana kuve nevanochengeta vasungwa vazhinji.”
Kusvikira hurumende yagadzirisa kusamira zvakanaka kwezvehupfumi uko kuri kuita kuti inetseke kuwana mari yekubhadhara vashandi, vana mukoti vakaita saMuzvare Ncube naVaDube vanogona zvavo kuramba vakagarira guyo sembwa, vakamirira kuwana mabasa.