Veruzhinji vanofamba nemakombi vasara vachinetseka vachishaya chekufambisa mushure mekunge vatyairi vemakombi vabvisa makombi avo mumigwagwa vachitsutsumwa pamusoro pekunetswa kwavati vange vachiitwa nemapurisa.
Panzvimbo huru inokwirirwa makombi muBulawayo iyo inoziikanwa ichinzi kuGodhini, panosigara pakazara makombi ukuwo mazana nemazana evanhu riri besanwa. Asi kubvira nguva dzekuma 12 neChina masikati panzvimbo iyi pange pasina kana kombi imwe chete zvayo.
KuGodhini ndiko kunokwirirwa makombi anoenda kumisha inogara veruzhinji yakasiyana-siyana yemuBualwayo. Asi nhasi vachairi vemakombi vange vamisa makombi avo zvichitevera kunetsana kwavange vachiita nemapurisa.
Mumwe mutyairi angozvidoma nezita rekuti Themba uyo asina kuda kutaura pamhepo audza Studio 7 kuti mapurisa ange achivashungurudza achivabhadharisa mafaindi emhosva dzakasiyan-siyana uyewo achida chiokomuhomwe.
Themba abvuma mashoko ekuti chanyanya kukonzera kutosvorana kwevatyairi nemapurisa inyaya yekuti mamwe mapurisa maviri ange asina kupfeka uniform yechipurisa arohwa nechikwata chevatyairi mushure mekunge mapurisa aya ange apinda mune imwe kombi achida kuisunga.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa panyaya iyi.
Kunetsana kwemapurisa nevatyairi uku kwasiya zviuru nezviuru zvevanhu vasina chekufambisa. Makombi mashoma ange achifamba ange ave akwidza mari yekombi zvakapetwa kaviri izvo zvaita kuti vamwe vanhu vashore kuita kwampurisa.
Mumwe mudzimai angozvidoma nezita rekuti Amai Moyo ati ange ave kushushikana sezvo mwana wake mucheche ange achichema mushure mekunge amirira makombi kwenguva inopfuura maawa matatu
Mumwe wevanhu vawirwa nedambudziko iri, Amai Nelia Chuma, vati vange vasingazive kuti chii chanyatsoitika asi vati vange vachishushikana nekumirawo kwavaita kwenguva refu vasingakwanise kuwana kombi yekuenda kumba kwavo kuPumula South.
Kunetsana pakati pemapurisa nevemakombi kunogara kuchiitika uye pamwe vanombodzinganisana izvo zvinowanzoitisa tsaona mumigwagwa.
Mune imwewo nyaya, nhengo yeCentral Committee yebato reZanu PF muBulawayo, VaKillian Sibanda, ndivo vakakunda pasarudzo dzakaitwa nezuro dzekusarudza achamiriririra bato iri pasarudzo dzekutsvaga mumiriri weNkulumane mudare reparamende.
VaSibanda vakakunda VaDavid Ndlovu avo vakambove meya weguta reBulawayo uye vanotarisirwa kunyoresa zita ravo semumiriri weZanu PF kuNomination paBulawayo Magistartes Court mangwana.