Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yokwira Matare Zvichitevera Kurambidzwa neMapurisa Kuratidzira muBulawayo


MDC-T Demos12.

Bato reMDC-T raita chikumbiro chechimbi-chimbi kudare reHigh Court muBulawayo chekuti dare iri risendeke parutivi danho rakatorwa nemapurisa rekurambidza kuratidzira kuri kuda kuitwa nebato iri.

Bato reMDC-T raita chikumbiro chechimbi-chimbi kudare reHigh Court muBulawayo chekuti dare iri risendeke parutivi danho rakatorwa nemapurisa rekurambidza kuratidzira kuri kuda kuitwa nebato iri.

Gweta riri kumirira bato reMDC-T munyaya iyi, VaKholwani Ngwenya, vanoti bato iri rakwira kudare nechikumbiro chechimbi-chimbi ichi – kana kuti Urgent Application mushure mekunge mapurisa emuBulawayo ati bato iri raisafanirwa kuenderera mberi nekuratidzira kwariri kuda kuita pakupera kwemwedzi uno.

VaNgwenya vati chimwe chezvikonzero chakapiwa nemapurisa chekurambidza kuratidzira uku mushure mekunge bato iri razivisa mapurisa zvariri kuda kuita sezvinotarisirwa pasi pemitemo yenyika, ndechekuti kuratidzira uku kunogona kukonzera mhirizhonga.

VaNgwenya vati dare rinogona kutambira chikumbiro chebato reMDC-T kana kuchirasa asi vati ivo bato iri riri kuzoenderera mberi nekuratidzira uku sezvo kuita izvi kuchibvumidzwa pasi pemitemo yenyika.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa didvi remapurisa panyaya iyi.

VaNgwenya vati vanotarisira kuti dare reHigh Court richange rapa mutongo waro vhiki rino risati rapera.

Mwedzi wapera zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC-T zvakatungamirwa nemutangamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, zvikaratidzira muguta reHarare mushure mekunge dare reHigh Court rasendeka parutivi kurambidza kuratidzira uku kwaive kwaitwa nemapurisa.

Bato iri rakaparura hurongwa hwekuratidzira uhu uye rinotarisira kuratidzira munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika senzira yekuratidza kunyunyuta pamusoro pematambudziko akatarisana neveruzhinji munyika ayo vanoti ari kukonzerwa nekwavanoti kutadza kutungamira nyika kuri kuitwa nehurumede yeZanu PF.

Nyaya Ina Taura Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG