Dare reLabour Court rinoti mumwe murume wemuBulawayo aive adzingwa pabasa rake muhurumende nepamusoro penyaya yekunenedzerwa mhosva yekuti aiita zvehungochani anofanirwa kudzokera pabasa rake, izvo vanorwira kodzero dzevanhu vari kuti vanotambira mutongo uyu nemufaro.
Vachipa mutongo wavo muBulawayo neMuvhuru, Justice Evangelista Kabasa vakatambira chikumbiro chaVaRaymond Sibanda chekuti havaifanirwa kudzingwa basa neve bazi revechidiki nemhosva yekuti vaipomerwa kuita zvehungochani.
Justice Kabasa, avo vakati vachapa mutongo wavo zvizere munguva pfupi inotevera, vakati iyi inyaya isina maturo kuti munhurume akaita saVaSibanda angadzingirwa basa pamusoro pekuti anoita zvepabonde nevamwe vanhurume.
Vakatiwo nyaya yehungochani inyaya ine chekuita nehunhu hwevanhu uye vanhu vakasiyana-siyana vane maonero akasiyana zvekuti hapana munhu mumwe chete anganzi ndiye anoziva zvakanaka kana zvakakodzera panyaya yakadai.
VaSibanda, avo vaishanda sa youth officer mubazi revechidiki, vakadzingwa basa gore rakapera mushure mekunge vawanikwa nemhosva yekusazvibata zvakakodzera.
Izvi zvakaitika mushure mekunge VaSibanda vasungwa vakabhadhara faindi yemhosva yekuwanikwa vachiita zvinhu zvinonyadzisa paruzhinji kana kuti āperforming an indecent act in a public placeā apo vakasungwa pamwe chete nevamwe vanhu vaive paChristmas Party yakaitwa nesangano reGays and Lesbians Association of Zimbabwe pane imwe hotera muBulawayo pakupera kwa2013.
Muchikumbiro chavakaita kudare, VaSibanda vaida kuti dare ripe mutongo panyaya yekuti kubhadhara kwavakaita faindi mushure mekusungwa kwavaive vaita kwaireva kuti vaiita zvechingochani here kana kuti kwete.
Vaipikisa kuti havaifanirwa kudzingwa basa kuchishandiswa humbowo hwekuti vakasungwa vakabvisa faindi sezvo humbowo uhu hhwaisafanirwa kutambirwa nekuti hahuburitse chokwadi chakazara.
Vaimirira VaSibanda, VaEmmanuel Mlalazi vekambani yemagweta yeDube-Banda, Nzarayapenga and Partners, vakabvuma kuti chikumbiro chaVaSibanda chainge chatambirwa nedare asi vakaramba kutaura pamhepo.
Studio7 hainawo kukwanisa kutaura naVaSibanda pachavo kuti tinzwewo divi ravo.
VaMojalifa Mokoele avo vanove mutauriri wesangano reSexual Rights Centre vanoti sangano ravo rinotambira nemufaro mutongo wakapiwa nedare.
Magweta ehurumende anoshanda nebazi raAttorney General vati vaive vamiririra hurumende munyaya iyi sezvavanotaririsrwa kuita.
Asi vakabvumirana nedare kuti nyaya yekuti VaSibanda vadzingwe basa nekuda kwemhosva yekupomerwa kuita zvehungochani yange isina maturo.
Magweta aya aive ati vakaona zvakakodzera kudzinga VaSibanda basa senzira yekuratidza kuti hurumende kuburikidza nebazi iri haitenderi zvehungochani, vachiti kusaita izvi kwaizopa pfungwa dzisina kunaka kune veruzhinji.
VaTineyi Mukwewa avo vanoshanda nesangano reAbammeli Human Rights Lawyers Network, vanotivo kunyange hazvo mitemo yeZimbabwe ichirambidza muchato pakati pemunhurume nemunhurume, kana pakati pemukadzi nemukadzi, hazvirevi kuti vanhu vanofungidzirwa kunzi ingochani vanofanirwa kusarurwa panyaya dzemabasa.
Mitemo yemuZimbabwe inorambidza michato pakati pemunhurume nemunhurume kana pakati pemunhukadzi nemunhukadzi asi hapana zvainotaura zvakajeka pamusoro pezvehungochani.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanowanzotora nguva pavanotaura kuruzhinji yekushora zvehungochani.