MuBulawayo mambotanga muine runyararo kusvika nguva dzemasikati apo mapurisa anodzivirira mhirizhonga akanda hutsi hunokachidza pamwe nekuridzira pfuti mudenga pane imwe nzvimbo mukati meguta.
Studio 7 yaona mapurisa anodzivirira mhirizhonga aya achikanda hutsi hunokachidza nekuridzira pfuti mudenga vachityisidzira vamwe vanhu vange vakaungana kumahombekombe kweguta panosanaagana Joshua Nkomo naThird Avenue.
Izvi zvaitika panguva dzekuma 1, mushure mekunge zvikwata zvemapurisa zvafamba zvichitaurira vashoma vange vakavhura zvitoro nemahofisis kuti vavhare vaende kumba.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa kuti sei vange vave kuti vanhu vavhare zvitoro nemahofisi asi vanoziva zvange zvichiitika vati mapurisa ange achityira kuti muguta mungangoita mhirizhonga.
Mumwe mutyairi wemakombi anotakura vanhu pedyo nepakandwa hutsi hunokachidza uhu, uyo asina kuda kudomwa nezita ati anzwa kuti mapurisa aita izvi mukuedza kudzivirira mhirizhonga iyi.
Panguva dzemangwanani muguta matanga muine vanhu vashoma zvikuru uye muine runyararo. Zvitoro zvikuru zvishoma zvinosanganisira OK nePick and Pay, mabhangi nemahofisi ehurumende ndizvo zvange zvakavhurwa chete asi izvi zvazovharwawo mushure mekunge mapurisa ati zvitoro nemahofisi zvivharwe.
Panguva dzekuma11 pane vamwe vechidiki vana vasungwa mushure mekunge ivo nevamwe vange vachisvika gumi vaedza kuratidzira vari pachimisikidzwa chavaNkomo chiri pakati peguta.
Pavasungwa vakapinzwa mumotikari yemapurisa vamwe vadiki vaviri vatisina kukwanisa kuwana mazita avo vange vachisheedzera mashoko ekuti mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vanofanirwa kubva pachigaro vachiti vatadza kutungamira nyika.
Kugara kwevanhu kudzimba dzavo kwanyanya kuwoneka pamisika yemuna Lobengula Street pamwe nepaGodini nechekumahombe-kombe kweguta.
Panzvimbo mbiri idzi panosigara pakazara vanhu vakawanda vakawanda zvikuru asi nhasi pange pasina vanhu kubvira nguva dzemangwanani.
Vamwe amai vanotengesa sadza kune vemakombi paGodini avo vangozvidoma nezita rekuti Amai T, vati vange vauya kuzoona kuti zvinhu zvakamira sei asi vange vave kudzokera kumba nekuti vemakombi vange vasipo.
Pasvika Studio 7 kune mimwe misha inogara veruzhinji kusanganisira Sizinda, Tshbalala, Nkulumane neMagwegwe kwange kune runyararo asi vanhu vakawanda vari mudzimba dzavo. Vamwe vashoma vange vachida kupinda mudhorobha vange vachinetseka kuwana chinovatakura nekuti makombi akawanda ange asingafambi.
Izvi ndizvo zvange zviri zvimwe chetewo kune misha inogara vashoma kusanganisira Northend, Saurstwon, Queens Park, Romney Park neKingsdale.
Asi vamwe vemakombi vashoma vange vachiita hushing hwekutakura vanhu zvisinei kuti vakawanda vange vasingaite izvi. Mumwe weavo ange achiita izvi ndemumwe angozvidoma nezita rekuti Matambudziko uyo ati ange achitakura vanhu nekuda kwekuti akasaita izvi mhuri yake yaizofa nenzara.
Muzvikoro zvakawanda, kunyange hazvo vadzidzisi vauya kubasa vange vasina zvavange vachiita nekuti vana vakawanda havana kuenda kuchikoro sezvo vaebereki vange vachityira kuti kungangoitika mhirizhonga.
Vamwe vataurira Studio 7 vati pazvipatara zvikuru zveUnited Bulawayo Hospitals neMpilo vanachiremba pamwe naana mukoti vakawanda havana kuuya kubasa.