Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuzadzisa Zviri Mugwaro reImpi


Geoff Nyarota
Geoff Nyarota

Vachitaura nevatori venhau paBulawayo Press Club neChipiri manheru, imwe nhengo yeInformation and Media panel of Inquiry – kana kuti IMPI - Muzvare Jackie Chaikakano, vakati kuburitswa kweongororo yakaitwa neboka iri kunopa vatapi venhau nevamwe vane hany'a nezvinoitika mukutapwa kwenhau mukana wekukurudzira hurumende kuti iite zvakakomekedzwa kunzi zviitwe zvinosanganisira kuvandudza mabasa ekutapa nhau nekufambiswa kwemashoko.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muzvare Chikakano, avo vanovewo gweta vachishanda nesangano reMedia Institute of Southern Africa - kana kuti MISA-Zimbabwe, vakataura izvi vachipindura mibvunzo nekushushikana kwevamwe vevaive pamusangano uyu, avo vakati vanotyira kuti hurumende inogona kungorisa kure ongororo iyi.

Muzvare Chikakano vakakurudzira vatori venhau nevamwe vose vane chekuita nemabasa ekutorwa kwenhau kuti vasapeta maoko avo asi kuti varambe vachikurudzira hurumende kuti ivandudze mitemo inombunyikidza kodzero dzevatapi venhau kana dzekutaura pachena.

Ongororo yemamiriro ezvemabasa ekutapa nhau iyi yakaitwa gore rapera mushure mekunge vaimbove gurukota rezvekufambiswa kwamashoko, VaJonathan Moyo, vadoma vanhu makumi maviri nevaviri kuti vaite ongororo iyi.

Impi yaikokerwa mabasa ayo nemutori wenhau ane mukurumbira, VaGeoff Nyarota.

Muzvare Chikakano vakakurudzirawo vatapi venhau kuti vaite zvose zvavanogona kuitira kuti zvakabuda muongororo iyi zvizivikanwe neveruzhinji.

Mumwe mutapi wenhau anoshanda akazvimirira ega, Nkululeko Sibanda, anoti sekuona kwake, chimwe chinhu chinogona kuvhiringidza matanho atorwa kusvika pari zvino ekuvandudza mitemo ine chekuita nekutapa nhau, inyaya yekuti makurukota ehurumende anogara achichinjwa.

Asi mumwe mutori wenhau, Brian Mangwende, uyo aivepowo pamusangano wanezuro, ariwo nhengo yeIMPI, akati kuchinjwa kwemakurukota hapana chakunofanirwa kukanganisa sezvo gwaro reImpi iri riri gwaro rehurumende izvo zvinoreva kuti gurukota ripi zvaro rinenge rasarudzwa panguva iyoyo, rinokwanisa kushanda mukugadzirisa zvinoda kugadziriswa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reMISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti vari kufara zvikuru nekuti zvakabuda mugwaro reIMPI zvinoenderana nezvinogara zvichirwirwa nesangano ravo zvekuti mitemo ine cchekuita nekutapwa kwenhau kana kufambiswa kwemashoko ivandudzwe.

NeChipiri sangano veMISA Zimbabwe rakaita musangano nemunyori webazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, mushure mekunge mapepanhau ehurumende aburitsa mashoko airatidza kusafara kwaVaCharamba pamusoro pekuti zvakabuda mugwaro reIMPI zvitaurwe nezvazvo kune veruzhinji.

VaCharamba vakavimbisa kuti bazi ravo richaita musangano uchasanganisa vanhu vose vane chekuita nemabasa ekutorwa kwenhau kuti vazeye zvakabuda mugwaro reIMPI senzira yekuseura nzira yekuti zvakabuda mugwaro iri zvitambirwe nehurumende.

XS
SM
MD
LG