Accessibility links

Breaking News

Nhabvu Yoshandiswa muKuunza Runyararo muDunhu reMatobo


Mutambo wenhabvu wakatambirwa paSontala Secondary School, Matabeleland South.
Mutambo wenhabvu wakatambirwa paSontala Secondary School, Matabeleland South.

Vamwe vagari wemuWard 12 kuMatobo District vakave nemukana wekusangana nevamwe vevatambi venhabvu vakaita mukurumbira nechikwata cheHighlanders Football Club, pasi pechirongwa cherimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rega chekushandisa mitambo mukukurudzira runyararo nebudiriro mudunhu reMatabeleland South.

Pakave nemufaro mukuru nemusi weChitatu paSontala Secondary School kuMatobo District apo vamwe vevatambi vakaita mukurumbira muchikwata cheHighlanders vakashanyira nzvimbo iyi vakatamba mutambo wenhabvu wehushamwari nevamwe vechidiki vemunzvimbo mekare.

Mutambo uyu pakati peHiglanders Legends neSontala Football Club wakarongwa nerimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rega reHabbakuk Trust senzira yekuedza kukurudzira runyararo nebudiriro munzvimbo iyi.

Kunyange hazvo vechidiki veSontala Football Club vakakundwa 2-1, vamwe vavo vakaratidza kuti vane zvipo zvinogona kuti vave neramangwana rakajeka mumutambo wenhabvu.

Mumwe wevatambi veSontala Hlanganiso Dube akati akafara zvikuru kuona vatambi vakaita mukurumbira vaaingoziva nemazita chete, uye vaaive asina kumbofungidzira kuti achakwanisa kusangana navo muhupenyu.

“Tafara zvikuru kutamba nevatamabi veHighlanders Legends. Ndinoona sekuti vatisiira zvidzidzo zvakawanda kubva pahunyanzvi hwavo. Tawona zvakawanda tikadzidza zvakawanda uye tichaedzawo kuti tishandise zvatadzidza izvi mukutamba kwedu kuti tigokwanisa kusimudzirawo matambiro edu.”

Mumwezve mutambi weSontala, Zibonele Dube, akatsinhirawo zvimwe chete, akati iye nevamwe vake vakadzidza zvakawanda kubva kuvatambi veHighlanders.

Zibonele akaudza Studio 7 kuti mitambo, kunyanya nhabvu, inosanganisa vanhu vakasiyana-siyana saka inobatsira pakukurudzira runyararo.

“Mitambo inosanganisa vanhu vakasiyana-siyana, vanoita mabasa akasiyana-siyana. Kunyange vanenge vane mafungiro akasiyana mune zvechitendero kana mune zvematongerwo enyika vanogona kuenda vachinoona mitambo yakasiyana-siyana vari pamwe chete izvo zvinobatsira kuti vabatane. Ndinoona sekuti kukurudzira kubatana kana runyararo nekuita zvemitambo chinhu chakanaka zvikuru.”

Vamwe vevatambi veHiglanders Legends vaive pachiitiko ich vanosanganisira mubati wepagedhi Peter Nkomo, Dazzy Kapenya Joel Lupahla, Gift Lunga Jr, naZenzo Moyo.

Achipa semuenzaniso mushure memutambo uyu, Zenzo akati mumutambo wenhabvu munyika pane nhoroondo yekukwikwidzana kunotyisa pakati pezvikwata zviviri zveHighlanders neDynamos, asi vatambi vezvikwata zviviri izvi vanotamba nhabvu murunyararo, uye vakawanda vavo vane hushamwari.

Zenzo, uyo akave mutambi akamwisa zvibodzwa zvakawanda munyika mugore ra2000, akati kuve nerunyararo munyika kunobatsira kuti muve nebudiriro.

VaBrian Moyo vanove murairidzi pasi pesangano reZimbabwe Football Association, kana kuti ZIFA, avo vaivepowo pachiitiko ichi, vakati pahurongwa hwose hwebudiriro hunoitwa nevanhu munharaunda, zvakakosha kuti vechidiki vasasiiwa.

“Tinofanirwa kuita kuti vechidiki vabatane nesu munyaya dzebudiriro; tinofanirwa kuvayeuka tichinzwawo pfungwa dzavo muzvirongwa zvipi nezvipi zvatingave tinazvo kuitira kuti tisazove nembavha kana makororo munzvimbo dzatinogara. Pose patinoita zvirongwa zvakadaro tinofanirwa kuzvibvunza kuti ko vana vedu vari kufungeyi, tiri kuvaitireyi? Kana mukaona tave kukoshiwa nezvevana kana vechidiki, zvinoreva kuti ramangwana ravo richange rakaipa izvo zvinogona kuuraya nyika.”

Mumwe mudzidzisi wepaSontala Primary School Muzvare Isabel Mahlangu vakaudza Studio 7 kuti vakafadzwa zvikuru nekuwana nguva yekushanyirwa kwavakaitwa nevatambi venhabvu ava vachiti izvi zvinogona kubatsira vamwe vechidiki vemunzvimbo iyi kuti vazive kuti vanogona kuwana raramo kubva mukutamba nhabvu.

“Range riri zuva rinofadza chose nhasi. Ndinofunga zvichakwanisa kubatsira vamwe vadzidzi vanenge vapedza zvidzidzo zvavo zve‘O’ Level; kunyanya vaye vanenge vasina kubuda zvakanaka asi vane zvipo zvakadai sekutamba bhora. Zvinogona kuvabatsira muramangwana ravo kuti vawane raramo. Saka sevagari vemuSontala tinotenda zvikuru vatambi veHiglanders Legends uye tinoti ngazvirambe zvakadaro.”

VaErnest "Mapepa" Sibanda
VaErnest "Mapepa" Sibanda

VaErnest Sibanda avo vakatambawo zvine mukurumbira vakazovewo mutungamiri wechikwata cheHiglanders pamwe nechikwata chenyika chemaWarriors vakaudza Studio 7 kuti vakafadzwa zvikuru nekubatana kuri kuramba kwakaita vamwe vevatambi vaitambira Highlanders pamwe nekuti vakawana nguva yekusangana nevagari vekuSontala vachishanda mukuedza kukurudzira runyararo nebudiro munzvimbo iyi.

Mukuru mukuru weHabbakuk Trust VaDumisani Nkomo vakati sangano ravo iro rinoshanda mukukurudzira runyararo nebudiriro mudunhu reMatabelaland South, rakaona zvakakosha kuita hurongwa uhu munzvimbo yeSontala nekuti ndeimwe yenzvimbo dzakasarira munyaya dzebudiriro muMatobo District.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG