Magweta ari kumiririra mamwe madzimai gumi ari kupomerwa mhosva yemisarinya paruzhinji kana kuti public nuisance mushure mekuratidzira kwaakaita muBulawayo nemusi weMugovera, akwidza chikumbiro kudare nhasi chekuti asatongwa nedare nekuti haana kutyora mutemo pane zvaakaita.
Rimwe remagweta ari kumirira madzimai gumi aya VaSolomon Mguni, vachishanda vari pasi pesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti vakaona zvakakodzera kuita chikumbiro kudare chekuti madzimai aya asatongwa sezvo vasina mhosva yavakapara.
Nemusi weMuvhuro dare rakati madzimai gumi aya, ayo anosanganisira Amai Jenni Williams avo vanove mukuru mukuru wesangano reWomen of Zimbabwe Arise, kana kuti WOZA, atongwe achibva kumba pasina mari yechibatiso yaakabhadhariswa.
Madzimai aya akasungwa nemusi weMugovera apo mapurisa akamisa kuratidzira kwakaitwa paQueens Sports Club apo pari kutambwa mutambo wecricket pakati penyika yeZimbabwe neyeNew Zealand.
Vairatidzira ava vaive vakabata zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvaishora hurumende yaVaRobert Mugabe kunyanya nyaya yekuda kuunza mari yemabond notes kunonzi kuri kuda kuitwa nehurumende iyi mumwedzi waGumiguru.
VaMguni vaudza Studio 7 kuti vakwidzawo kudare kunyunyuta kwemadzimai aya pamusoro pemabatirwo avakaitwa vari muhusungwa kusanganisira nyaya yekuti vakanzi vabvise mbatya dzavo dzemukati.
Muchuchisi VaNkathazo Dlodlo vaudza dare kuti vachapa mhinduro yavo kuchikumbiro chaitwa nemadzimai aya ichi musi weMuvhuro unouya.
Mutongi wedare VaBatanai Tuwe vati vachapa mutongo wavo pachikumbiro ichi musi wa22 Nyamavhuvhu.