Accessibility links

Breaking News

POTRAZ Yoshorwa Ichinzi Yave Kuda Kumbunyikidza Vanoshandisa WhatApp


Makambani enharembhozha anoti achaziva svondo rino kuti chikonzero chei kambani yePost and Telecommunications Regulatory Authority kana kuti POTRAZ yakavamisa kupota vachimboderedza mitengo yenharembozha nekumboita zvirongwa zvekuti vanhu vafonewo nemari yakaderera pane dzimwe nguva kana kuti mapromotions.

Danho rePOTRAZ iri rave kuunza mutauro vamwe vachiti danho iri rinombunyikidza kodzero dzeveruzhinji.

Vanhu vakawanda vakataura neStudio 7 vanoti havazi kufara nekusabuda pachena kweveboka rePOTRAZ padanho ravakatora rekuti makambani enharembozha matatu ari munyika eEconet, Net One neTelecel ambomira kuderedza mitengo, kana kuti promotion muChirungu, kwaange achiita.

Vamwe vevanhu ava vakaudza Studio 7 kuti vanotyira kuti POTRAZ yakatora danho iri senzira yekudzivira veruzhinji kuti vasawane mukana wekutaura zvavanoda nenzira dzakachipa dzepa internet.

Mumwe mugari wemuBulawayo muzvare Tinaye Shumba vanoti mafungiro avo ndeekuti, hurumende kuburikidza nePOTRAZ, yakatora danho iri nekuti mapoka anorwira kodzero dzevanhu akawanda ange ari kushandisa nzira dzakachipa idzi kukurudzira veruzhinji kuti varatidze kutsutsumwa kwavo kuhumende pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika.

VaIpithule Maphosa vanove sachigaro weboka revechidiki vebato reZAPU muBulawayo vanoti danho rePOTRAZ iri ndemumwe muenzaniso uri pachena unoratidza kushaya hanya kwehurumende pazvinhu zvinobatsira veruzhinji.

VaMaphosa vanotiwo danho iri inzira yehurumende yekuedza kutsvaga nzira dzose dzingakwanisika dzekutsvaga nadzo mari sezvo hurumende iri kutambudzika kuwana mari yekubhadhara vashandi vayo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuPOTRAZ panyaya iyi. Mumwewo mugari uyo akangoda kuzvidoma nezita rekuti Michelle akaudza Studio 7 kuti danho rakatorwa nevePOTRAZ harifadze vakawanda, asi anoona zvakakosha kuti boka iri riise mitemo inobatsira kuti nyika ichengetedzeke.

Kunyange hazvo achibvuma kuti danho iri rinogona kuita kuti veruzhinji vadhurirwe nekushandisa nharembozha dzavo, muzvare Michelle anoti zvinonetsa kuti hurumende idzivirire vanhu kuti vataurirane pfungwa dzavo pamusoro pezviri kuitika munyika.

Amai Koliwe Majama vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muchikamu cheBroadcsating neInformation Technonology musangano reMedia Institute of Southern Africa kana kuti MISA.

Amai Majama vanoti kunyange hazvo sangano ravo richiziva nekunzwisisa kuti ibasa revePOTRAZ kuti vaongorore mashandiro emakambani enharembozha, chiri kuvanetsa ndechekuti vePOTRAZ vakatora danho iri vasingape chikonzero.

Amai Majama, avo vanoti sangano reMISA rakamboita musangano nePOTRAZ, vanoti zvakakosha kuti boka iri ribudire vanhu pachena pamatanho arinenge ratora, vachitiwo chiri kuita kuti vanhu vashushikana parizvino inyaya yekuti vechiuto vakabuda vachityisidzira veruzhinji pamusoro pekushandisa iinternet.

VaButler Tambo ndivo mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Public Engagement uye vanoongororawo mitemo yehurumende kunyanya ine chekuita nezvehupfumi.

VaTambo vakashorawo danho rePOTRAZ vachiti rinodzorera kumashure zvehupfumi munyika.

Hurumende pasi pegurukota reInformation Communication Technology, iri mushishi kugadzira mutemo unonzi Computer Crime and Cyber Crime Bill uyo unonzi uchashandiswa kusunga vose vachawanikwa vachishandisa internet zviri kunze kwemutemo.

Vamwe vanoti mutemo uyu unogona kutyora kodzero dziri mubumbiro remitemo yenyika dzekuti vanhu vane kodzero yekutaurirana pachena kana kuti Freedom of expression muChirungu. Asi vamwewo vanoti zvakakosha kuti nyika ive nemitemo yakadai sezvo ichibatsira kudzivirira nyika kubva kuvavengi kana vanopfurikidza mwero.

XS
SM
MD
LG