Accessibility links

Breaking News

Dare Robvumidza Madzimai eMDC Kuratidzira neMapoto Avo muBulawayo


Muzvare Thokozane Khupe
Muzvare Thokozane Khupe

Dare reHigh Court muBulawayo rakapa mutongo wekuti mapurisa haafanirwe kurambidza kuratidzira kuri kuda kuitwa neboka remadzimai eMDC T muguta iri Mugovera.

Mapurisa ainge ati anotyira kuti kusagadzikana kwakaita zvinhu munyika kungangoita kuti kuratidzira uku kukonzere mhirizhonga.

Gweta range richimiririra madzimai eMDC T munyaya iyi VaKholwani Ngwenya vaudza Studio 7 kuti mutongi wedare VaNicholas Mathonzi vakapa mvumo yekuti madzimai aya aenderere mberi nekuratidzira kwaari kuda kuita vachiti bumbiro remutemo rakajeka pakupa kodzero kuvanhu kuti varatidzire murunyararo.

Madzimai eMDC-T aive aita chikumbiro chechimbi-chimbi kudare repamusoro reHigh Court nemusi weChitatu mushure mekunge mapurisa emuBulawayo ati aisabvumira kuratidzira kuri kuda kuitwa nemadzimai aya vachiti munyika hamuna kumira zvakanaka.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC T muzvare Thokozani Khupe vati vafara zvikuru nemutongo wedare vachiti izvi zvinoratidza kukosheswa kwebumbiro remitemo yenyika.

Muzvare Khupe vati madzimai ebato ravo akagadzirira zvikuru kuratidzira kuri kudaidzwa kuti “Rova mapoto campaign.”

Chirongwa cheRova mapoto campaign chiri kuitwa nemadzimai eMDC T senzira yekuratidza kusafara kwavo nematambudziko ari munyika ayo vanoti ari kuunza nzara mudzimba dzeve ruzhinji munyika.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG