Accessibility links

Breaking News

Bulawayo Yosanga neDambudziko reMvura


Meya weBulawayo VaMartin Moyo

Kanzuru yeguta reBulawayo yatora danho rekuti imbovhara mvura kwemamwe mazuva senzira yekurerutsa dambudziko rekushomeka kwemvura muguta iri.

Meya weguta reBulawayo VaMartin Moyo vaudza Studio 7 kuti kana mvura yemwaka wezhizha inotarisirwa kutanga kunaya munyika chero nguva ipi zvayo ikanonoka kuturuka, kanzuru ichange ichimbomira kupa vagari mvura kwezuva rimwe chete pasvondo kubvira pakutanga kwemwedzi unouya.

VaMoyo vanoti kumbomira kupa vagari mvura idanho ravasingafarire asi kanzuru hapana zvaingakwanisa kuita nekuti madhamu anopa mvura kuguta reBulawayo asarirwa nemvura inosvika zvikamu makumi matatu kubva muzana nekuda kwechikonzero chekuti mvura haina kunyatsonaya zvakanaka gore rakapera.

Guta reBulawayo rinowana mvura kubva kumadhamu matanhatu anoti Insiza, Inyankuni, Mtshabezi, Upper neLower Ncema neUmzingwane uye kanzuru yakatomira kutora mvura kubva mudhamu reUpper Ncema mwedzi wakapera izvo zvinotarisirwa kuve zvichaitikawo kudhamu reUmzingwane munguva pfupi inotevera.

VaMongi Khumalo vanoshanda nerimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rega reCommunity Working Group on Health iro rinokurudzira veruzhinji kuchengetedza hutano hwavo vanoti dambudziko rekushaikwa kwemvura rinonyanya kubata vanhukadzi uyewo vana vadiki.

VaKhumalo vanoti kunze kwekuwedzera madzimai basa, dambudziko rekushaikwa kwemvura rinogona kukonzera zvirwere zvakasiyana-siyana sezvo vanhu vachizogona kupedzisira vonwa mvura isina kuchena.

Vanotiwo hurumende inofanirwa kubatsira kanzuru yeguta reBulawayo nemamwe madhorobha ose munyika mukugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemvura.

Mumwezve mugari wemudhorobha iri Amai Margaret Shumba vanotsigirawo pfungwa yekuti hurumende inofanirwa kubatsira guta reBulawayo pakugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemvura rinogara rakatarisana neguta iri.

Vagari vemuBulawayo vanoshandisa mvura inosvika 120 000 cubic litres pazuva asi gore rakapera panguva yekupisa kwakanyanya kwezuva kushandiswa kwemvura uku kwakakwira kusvika pa135 000 cubic litres pazuva.

Sachigaro wekomiti yezvemvura nezvimwe vari kanzura weWard 4 muBulawayo VaSilas Chigora vanoti kanzuru iri kuedza nepainogona napo kuti igadzirise dambudziko rekushaikwa kwemvura muguta nekugadzirisa zvibhorani zvakafa zviri kuNyamandlovu Acquifer.

Vanotiwo shuviro yavo ndeyekuti dai hurumende yabatsirawo kanzuru kugadzirisa dambudziko remvura iri nekuita kuti chirongwa chekudhonza mvura kubva murwizi Zambezi chakataurwa kare chiitwe.

Kanzuru yeguta reBulawayo inogara ichitora danho rekumbovhara mvura kunyanya panguva yekupisa. Mugore ra2013 kanzuru yaimbomira kupa vagari mvura kwemazuva mana pasvondo.

Kusvika patorwa danho richaita kuti dambudziko rekushaikwa kwemvura yakakwana ripere, kanzuru yeguta reBulawayo icharamba ichiita zvekumbovhara mvura senzira yekuchengetedza mvura iyi.

Vagari vanoche chema kuti nyaya yekugadzirisa dambudziko muguta iri inongotaurwa munguva yesarudzo asi kana sarudzo yapera inobva yanyararwa.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG